Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi June 1
“Vamwe vanhu vanofunga kuti hazvidi chitendero chakarongwa kuti unamate Mwari. Makambofunga nezvazvo here? [Rega apindure.] Magazini iyi inoongorora kushanda kwaiita Mwari nevanhu munguva yakapfuura. Inotaurawo nezvezvinorehwa nokunamata Mwari nechokwadi.” Verenga Johani 4:24.
Mukai! June 8
“Mazuva ano vanhu vakawanda vanosurukirwa. Izvi zvinosanganisira kunzwa vasingakwanisi kuva pane vamwe. Hamubvumi here kuti izvi zvinogona kunge zvichirwadza? [Rega apindure. Zvadaro verenga Pisarema 25:16.] Magazini iyi yeMukai! ine mazano anoshanda anobatsira kukurira kusurukirwa.”
Nharireyomurindi June 15
“Hamubvumi here kuti kurera vana munyika yanhasi kwakaoma? [Rega apindure.] Onai vimbiso iyi yokuti vabereki vanogona kubudirira. [Verenga Zvirevo 22:6.] Magazini iyi yeNharireyomurindi inopa mazano anoshanda okubatsira vabereki kuti vakurire chinetso ichi.”
Mukai! July 8
“Vamwe vanofunga kuti kutenda muna Mwari hakuenderani nesayenzi. Asi maiziva here kuti pane masayendisiti anotaura kuti chaizvoizvo sayenzi inotsigira kutenda kuti kune Musiki? [Rega apindure.] Magazini iyi yeMukai! inotaura humwe hwouchapupu hwakavaita kuti vagumise kudaro.” Verenga VaRoma 1:20.