Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi May 1
Verenga Mateu 24:3. Zvadaro iti: “Vamwe vanofunga kuti mubvunzo uyu une chokuita nokuguma kwepasi redu. Munofunga kuti pasi richaparadzwa here? [Rega apindure.] Mhinduro yaJesu inoita kuti titarisire kuguma kwechimwe chinhu—chisiri kuguma kwepasi redu. Nyaya iri papeji 16 inotaura zvakadzama nezvazvo.”
Awake! May
“Vamwe vafundisi vanoparidza kuti kana tikafadza Mwari, achaita kuti tipfume. Asi, zvichida munoziva vanhu vakanaka asi vari varombo. Munofunga kuti Mwari anoda kuti tipfume here? [Rega apindure. Zvadaro verenga VaHebheru 13:5.] Nyaya ino inotsangura kukomborerwa kwatinoitwa naMwari.” Muratidze nyaya inotangira papeji 12.
Nharireyomurindi June 1
“Vanhu vakawanda vanotsvaka mazano panyaya yokurera vana, nyaya dzorudo, uye zvakanakira mhuri dzavo. Munofunga kuti tingawana kupi mazano akanaka panyaya idzi? [Rega apindure.] Vakawanda vanofuratira bhuku rine mazano atingavimba nawo. [Verenga 2 Timoti 3:16.] Magazini ino inotsanangura nei tingavimba neBhaibheri uye inopa mienzaniso yokushanda kwemazano aro.”
Awake! June
“Sezvamunoziva, vanhu vanokakavadzana chaizvo panyaya yokuti kubvisa pamuviri kwakanaka here kana kuti kwakaipa. Munofunga kuti Bhaibheri ringabatsira munhu ari kuda kusarudza zvokuita here? [Rega apindure. Zvadaro verenga 2 Timoti 3:16, 17.] Magazini ino inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi.”