Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi July 1
“Munguva yenjodzi, vakawanda vanoshamisika kana Mwari aine hanya nevanhu chaizvoizvo uye achiona kutambura kwavo. Makambofunga nezvazvo here? [Rega apindure.] Magazini iyi inotaura kuti Mwari anoratidza sei kuti ane hanya nesu nhasi uye kuronga kwaakaita kuti abvise kutambura kwose.” Verenga Johani 3:16.
Mukai! July 8
“Kune vanhu vakawanda, makore okuyaruka inguva yomufaro nezvinetso, hamubvumi izvozvo here? [Rega apindure.] Magazini iyi inotaura kuchinja kunoita vachiri kuyaruka. Inoongororawo mazano okuchenjera anogona kuvabatsira kuti vashandise zvakanaka makore avo okuyaruka.” Verenga Muparidzi 12:1.
Nharireyomurindi July 15
“Kudai chiitiko chakaita seichi [sezviri pabutiro] chakataurwa munhau mazuva ano, vanhu vakawanda zvimwe vaisazozvidavira. Munofungei? [Rega apindure. Zvadaro verenga Mako 4:39.] Uchapupu hupi huripo hwokuti zvishamiso zvakaitwa naJesu zvaiva zvechokwadi? Magazini iyi yeNharireyomurindi inoongorora mubvunzo uyu.”
Mukai! August 8
“Munyika yanhasi, matsotsi ari kuramba achironga mazano matsva okubiridzira vanhu vakarivara. Izvi zvinokunetsa here? [Rega apindure.] Magazini iyi yeMukai! inotaura nzira mbiri dzinokosha dzinotibatsira kuti tisabiridzirwa.” Verenga Zvirevo 22:3.