RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/04 p. 5
  • Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzokorora Gungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Gungano Redunhu Rinotibatsira Kuchengetedza Ukama Hwedu naMwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 8/04 p. 5

Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu

Mu“nguva [dzino] dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” tinoda uchenjeri hwaMwari kuti tiwane uye tirambe tichifarirwa naJehovha. (2 Tim. 3:1) Purogiramu yegungano redunhu yegore rebasa ra2005 ichatipa mazano anobatsira nekurudziro sezvo iine musoro unoti “Tungamirirwa no‘Uchenjeri Hunobva Kumusoro.’”—Jak. 3:17.

Hurukuro yokutanga yokusiyirana, inoti “Kuratidza ‘Uchenjeri Hunobva Kumusoro’ Muupenyu Hwedu,” ichatibatsira kuona zvinobatanidzwa pakuva vakachena, vane rugare, vanonzwisisa, uye vanoda kuteerera. Zvadaro mutariri wedunhu achakurukura zvimwe zvinhu zvitatu zvouchenjeri hwokudenga. Mutariri woruwa achagumisa zuva rokutanga nokuratidza kuti vashumiri vechiKristu, kunyange zvazvo vachionekwa nevamwe se“vanhuwo zvavo uye vasina kudzidza,” vakagadzirira kutaura uchenjeri hwaMwari.—Mab. 4:13.

Pazuva rechipiri, hurukuro yokusiyirana ine musoro unoti “Tsvaka Zvinhu Zvinovaka” ichatibatsira kuziva ndokudzivisa zvinhu zvingatiodza mwoyo mune zvokunamata. Ichatiratidzawo kuti tingavaka vamwe sei pamisangano yeungano, muushumiri hwomumunda, uye mumhuri. Hurukuro yavose inoti, “Kubatsirwa Kwatinoitwa Nouchenjeri hwaMwari,” ichaita kuti tiwedzere kuonga kwatinoita zvikomborero zvatinowana sezvatinoshandisa mitemo yaMwari muupenyu hwedu. Hurukuro yokugumisa inoti, “Kushandisa Uchenjeri hwaMwari Kunotidzivirira,” ichasimbisa kutsunga kwedu kutsvaka uchenjeri kuna Jehovha mumazuva ano okupedzisira.

Kubhabhatidzwa kwevadzidzi vatsva chinhu chinokosha zvikuru pagungano rimwe nerimwe. Chikoro chaMwari Choushumiri uye Chidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki yacho zvichaitwawo papurogiramu yacho. Jehovha anoda kuti tose zvedu tibatsirwe nouchenjeri hwaanopa. Tichapfumiswa mune zvokunamata nemazano uye kurudziro zvakatimirira pagungano redu redunhu.—Zvir. 3:13-18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe