Gungano Redunhu Rinotibatsira Kuchengetedza Ukama Hwedu naMwari
1. Ndohupi humwe urongwa hunobva kuna Jehovha hunotibatsira kuita basa redu rokuparadzira mashoko akanaka?
1 Jehovha anotipa mashoko akawanda chaizvo atinoda, anotidzidzisa, uye anopa kurudziro yatinoda kuti tiite basa raakatipa rokuparadzira mashoko akanaka. (Mat. 24:14; 2 Tim. 4:17) Gungano redu redunhu regore negore ndeimwe yenzira dzaanoshandisa kuita kudaro. Purogiramu itsva yegore rebasa ra2010 ichange ine musoro unoti “Chengetedza Ukama Hwako naMwari,” ichange ichikurukura VaRoma 8:5 uye Judha 17-19. Yakarongwa kuti itange vhiki yaNovember 2, 2009.
2. (a) Gungano redunhu richatibatsira sei? (b) Magungano edunhu akapfuura akakubatsira sei muushumiri?
2 Kubatsira Kwegungano Racho: Purogiramu yacho ichaita kuti tingwarire ngozi dzakadai sezvinhu zvinotsausa zvingatitorera nguva yedu zvobvisa pfungwa dzedu pazvinhu zvinokosha zvechokwadi. Tichadzidza kurwisa kwatingaita mafungiro okuita madiro, uye kuti munhu ane ukama hwakanaka naMwari akaita sei. Hurukuro yokusiyirana yomusi weSvondo icharatidza kuti munhu oga oga uye mhuri vangatora sei matanho okusimbisa ukama hwavo naMwari zvavanotarisana nematambudziko ari kuwedzera uye kuedzwa kukuru kwokutenda kwavo. Purogiramu yacho ichatibatsira kuchengetedza mwoyo yedu, kuramba takasimba pakunamata, uye kuramba tichinyatsofunga nezvezvikomborero zvikuru zviri mberi nokuda kwevaya vanochengetedza ukama hwavo naMwari.
3. Gungano renyu redunhu rinotevera ririko rini, uye munofanira kutsunga kuitei?
3 Pamunongoziva misi yegungano renyu redunhu rinotevera nekwarichaitirwa, itai urongwa hwokuti muvepo monyatsoteerera purogiramu yose mazuva acho ari maviri. Ivai nechokwadi chokuti Jehovha anokomborera vaya vanoshingaira.—Zvir. 21:5.
4. Tine chokwadi chokuwanei pagungano redu redunhu riri kuuya?
4 Zvechokwadi, Jehovha ndiye anotipa chipo ichi chakanaka. Purogiramu yakagadzirwa neboka romuranda akatendeka ichange iri chaizvo zvatinoda kuti tirambe tiri vashumiri vechiKristu. Tinoonga Jehovha pamusana pourongwa hwake hwose hworudo hunotibatsira ‘kubatisisa mukana wokuzivisa tariro yedu pachena tisingazununguki.’—VaH. 10:23-25; Jak. 1:17.