Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
“Chengeta Mirayiro yaMwari Urarame” ndiwo musoro wepurogiramu yegungano redunhu ramazuva maviri kutanga muna November. (Zvir. 4:4) Ichasimbisa chikonzero nei kuteerera mirayiro yaMwari kusingaremi. Uyezve, icharatidza kuti kuita kuda kwaMwari kunounza sei zorodzo nomufaro wechokwadi pamwe chete netariro yenguva yemberi.—Mat. 11:28-30; Joh. 13:17.
Avo vanoshuva kubhabhatidzwa pagungano racho mukuteerera murayiro waKristu vanofanira kutaura nomutariri anotungamirira, uye achaita gadziriro dzinodikanwa.—Mat. 28:19, 20.
Hurukuro yokusiyirana ichatsanangura nzira dzinoshanda dzatinogona kuratidza nadzo kuda Mwari uye hama dzedu. (Joh. 13:34, 35; 1 Joh. 5:3) Zano rinonyandura mwoyo rinobva muMapisarema 9 ne119 richabatanidzwa mupurogiramu yacho. Kunyange zvazvo zano rakafuridzirwa riri mumapisarema aya rakanyorwa zviuru zvamakore zvakapfuura, tichaona kuti rinotibetsera sei somunhu oga nhasi.
Hurukuro yavose ichapiwa nomutariri woruwa ine musoro unoti “Itya Mwari Uchengete Mirayiro Yake.” (Mup. 12:13) Hurukuro yokupedzisira yomutariri wedunhu icharatidza nzira iyo pwere dzinogona kuwana nayo zvakanakisisa muupenyu zvino uye chikonzero nei dzichigona kuvimba nenguva yemberi isingagumi. Mutariri woruwa anogumisa purogiramu yacho kupfurikidza nokududza betsero dzakawanda dzinobva mukurarama mukuwirirana no“mutemo woumambo,” worudo. (Jak. 2:8, NW) Zvirokwazvo, hapana munhu angada kupotsa iyi purogiramu yegungano!