Kushandisa Kwatingaita Fomu Rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43)
Fomu iri rinofanira kuzadzwa pamunowana munhu anofarira asi asingagari mundima yenyu kana kuti anotaura mumwe mutauro. Kunyange zvazvo kare tairishandisa pataisangana nemunhu anotaura mumwe mutauro pasinei nekuti anofarira here kana kuti kwete, iye zvino tava kungorishandisa chete kana munhu achinge afarira. Zvinongosiyana chete kana munhu wacho ari matsi. Kana tikasangana nematsi, pasinei nekuti munhu wacho anofarira here kana kuti kwete, tinofanira kuzadza fomu reS-43.
Tinofanira kuitei nefomu racho kana tarizadza? Tinofanira kuriendesa kumunyori weungano. Kana achiziva ungano inofanira kutumirwa fomu racho, anogona kungoritumira kuvakuru veungano yacho kuti varonge kuti munhu wacho akaratidza kufarira abatsirwe. Kana munyori asingazivi kuti iungano ipi yaanofanira kutumira fomu racho, acharitumira kuhofisi yebazi.
Kana munhu wacho anofarira achitaura mumwe mutauro uye achigara mundima yenyu, mungaramba muchimushanyira kuitira kuti arambe achifarira kusvikira azoshanyirwa nemuparidzi ari muungano inotaura mutauro wake.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2009, peji 4.