Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Mar. 1
“Munofunga kuti nyika yaizova nzvimbo iri nani here kudai munhu wose aishandisa zano iri? [Verenga VaRoma 12:17, 18. Zvadaro rega apindure.] Zvinosuruvarisa kuti kusawirirana kunombovapo. Magazini ino inoratidza kuti kushandisa zano reBhaibheri kungatibatsira sei kugadzirisa makakatanwa tova norugare.”
Awake! Mar. 8
“Gore negore, kudiwa kwesimba remagetsi nemafuta kunoramba kuchiwedzera. Mungafungidzira here zvaizoitika kudai rimwe zuva magetsi nemafuta zvatinoda zvaizopera? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura nezvokufambira mberi kwakaitwa kuti vanhu vawane simba remagetsi nemafuta zvakachena. Inotaurawo nezveAnopa simba rose.” Verenga Isaya 40:26.
Nharireyomurindi Mar. 15
“Pasi pose vanhu vanorumbidza kudzidzisa kwaJesu. [Verenga mashoko ari papeji 3, ndima 1.] Asi munofunga kuti kudzidzisa ikoko, somuenzaniso unowanikwa murugwaro urwu, kunobatsira here nhasi? [Verenga Mateu 5:21, 22a. Zvadaro rega apindure.] Magazini ino inotaura zvakadzidziswa naJesu uye kubatsirwa kwatingaitwa nazvo.”
Awake! Mar. 22
“Vanhu vakawanda vanofarira makomo nemhaka yokunaka kwawo, asi maimboziva here kuti anotsigira upenyu pasi pano? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura chikonzero nei tichida makomo uye zviri kuitika kwaari nhasi. Inotaurawo kuti Musiki achachengetedza sei aya makomo anokosha.” Verenga Pisarema 95:4.