Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Sept. 1
“Munyika yanhasi, kuvimbika unhu hunowanzorumbidzwa asi vanhu vasingadi kuva vakavimbika. Zvaisazova zvakanaka here kudai vanhu vakawanda vaizoita seshamwari inotaurwa pano? [Verenga Zvirevo 17:17. Zvadaro rega apindure.] Magazini ino inotaura zvakanakira kuva akavimbika kune mhuri yedu neshamwari dzedu.”
Awake! Sept. 8
“Zvimwe makamboshamisika nokunzwanana kunoita zvinhu zvakasikwa. [Taura mumwe wemienzaniso inotaurwa munyaya yacho.] Hazvisuruvarisi here kuti hationi kunzwanana kuchiwedzera pakati pevanhu? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura kuti Mwari achakurumidza sei kuunza rugare nokunzwanana pasi pano.” Verenga Isaya 11:9.
Nharireyomurindi Sept. 15
“Vanhu pasi pose vakanzwa nezvaJesu Kristu. Vamwe vanoti akanga ari munhuwo zvake akakurumbira. Vamwe vanomunamata saMwari Wemasimbaose. Munofunga kuti Jesu Kristu aiva ani? [Rega apindure.] Magazini ino inotsanangura chaizvoizvo kuti aiva ani, kwaakabva, uye kwaari iye zvino.” Verenga Johani 17:3.
Awake! Sept. 22
“Vanhu vakawanda havagoni kutenga nzvimbo dzakanaka dzokugara. Munofunga kuti rimwe zuva pachazombova nedzimba dzakakwana dzokuti vanhu vose vagare here? [Rega apindure.] Awake! ino ine mashoko ezvave zvichiitika padambudziko redzimba. Inoratidzawo kuti nei tingava nechivimbo chokuti ichi chipikirwa chaMwari chichazadzika.” Verenga Isaya 65:21, 22.