RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/05 p. 8
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 9/05 p. 8

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi Sept. 1

“Munyika yanhasi, kuvimbika unhu hunowanzorumbidzwa asi vanhu vasingadi kuva vakavimbika. Zvaisazova zvakanaka here kudai vanhu vakawanda vaizoita seshamwari inotaurwa pano? [Verenga Zvirevo 17:17. Zvadaro rega apindure.] Magazini ino inotaura zvakanakira kuva akavimbika kune mhuri yedu neshamwari dzedu.”

Awake! Sept. 8

“Zvimwe makamboshamisika nokunzwanana kunoita zvinhu zvakasikwa. [Taura mumwe wemienzaniso inotaurwa munyaya yacho.] Hazvisuruvarisi here kuti hationi kunzwanana kuchiwedzera pakati pevanhu? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura kuti Mwari achakurumidza sei kuunza rugare nokunzwanana pasi pano.” Verenga Isaya 11:9.

Nharireyomurindi Sept. 15

“Vanhu pasi pose vakanzwa nezvaJesu Kristu. Vamwe vanoti akanga ari munhuwo zvake akakurumbira. Vamwe vanomunamata saMwari Wemasimbaose. Munofunga kuti Jesu Kristu aiva ani? [Rega apindure.] Magazini ino inotsanangura chaizvoizvo kuti aiva ani, kwaakabva, uye kwaari iye zvino.” Verenga Johani 17:3.

Awake! Sept. 22

“Vanhu vakawanda havagoni kutenga nzvimbo dzakanaka dzokugara. Munofunga kuti rimwe zuva pachazombova nedzimba dzakakwana dzokuti vanhu vose vagare here? [Rega apindure.] Awake! ino ine mashoko ezvave zvichiitika padambudziko redzimba. Inoratidzawo kuti nei tingava nechivimbo chokuti ichi chipikirwa chaMwari chichazadzika.” Verenga Isaya 65:21, 22.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe