Bhokisi Remibvunzo
◼ Zvakanaka here kuti tiise kero yedu yetsamba inotumirwa nekombiyuta (e-mail) pamabhuku atinenge tichigovera?
Vamwe vaparidzi vanodhinda kana kuti vanonamira kero dzavo dzepakombiyuta pamagazini kana maturakiti avanogovera. Vaya vanenge vagoverwa mabhuku aya vanozonyorera muparidzi wacho kana vachida mamwe mashoko. Izvi zvinoitwa nechinangwa chakanaka chokubatsira vanofarira. Zvisinei, kero yepakombiyuta yesangano redu inotova kuseri kwemagazini nematurakiti. Saka zvingava zvakanaka kana tikasaisa kero dzeduwo pamabhuku.
Kana muparidzi achida hake kupa vanhu vari mundima kero yake iri papepa, zvikurukuru paanenge achidzokera kune vanofarira, izvozvo zviri kwaari. Isu ndisu tinofanira kudzokera vanhu vanofarira kwete kuvasiya tichiti vozotinyorera kana vachida. Vanhu vanogona kuona kuti tinonyatsovafarira kana tichitaura takatarisana navo.