RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/08 p. 4
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 5/08 p. 4

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi May 1

“Kuwedzera kuri kuita njodzi dzinongoitika dzoga mazuva ano kunoita kuti vamwe vafunge kuti tiri kurangwa naMwari. Imi munofungei? [Rega apindure. Zvadaro verenga 1 Johani 4:8.] Nyaya ino inotsanangura kuti nei Mwari asiri iye anoita kuti pave nokutambura kunokonzerwa nenjodzi dzinongoitika dzoga.” Muratidze nyaya iri papeji 30.

Awake! May

Verenga Mateu 6:10. Zvadaro bvunza kuti: “Makambofunga here kuti chinangwa chaMwari nokuda kwenyika ndechei? [Rega apindure.] Maererano neBhaibheri, Mwari akasika nyika nechinangwa kubvira pakutanga uye chinangwa ichocho hachina kuchinja. Nyaya ino inotsanangura izvozvo.” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.

Nharireyomurindi June 1

“Imwe yenyaya dzomuBhaibheri dzinozivikanwa zvikuru ndeyaNoa neMafashamo. Munofunga kuti Mafashamo akaitika zvechokwadi here? [Rega apindure.] Zvinofadza kuti Jesu akataura nezvawo sechinhu chakaitika. [Verenga Ruka 17:26, 27.] Magazini ino inopa zvikonzero zvokuti titende nhoroondo yeMafashamo uye inotsanangura zvidzidzo zvinokosha zvinodzidziswa nenhoroondo iyi.”

Awake! June

“Kurera vana kwakaoma, kunyanya kana mwana ava kuyaruka uye muviri wake wava kuchinja zvikuru. Munofunga kuti vabereki vangawana kupi mazano akavimbika? [Rega apindure. Zvadaro verenga Isaya 48:17, 18.] Magazini ino inopa mazano anofambirana nenguva kubatsira vabereki kuti vaite zvinhu nouchenjeri uye nokunzwisisa.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe