‘Pupurira Kwazvo Mashoko Akanaka’—Nokuparidzira Mumafurati
1. ‘Kupupurira kwazvo mashoko akanaka’ kunosanganisirei?
1 Somuapostora Pauro, chido chedu ndechokuti ti“pupurire kwazvo mashoko akanaka.” (Mab. 20:24) Naizvozvo tinoedza nepatinogona napo kuti tisvike kuvanhu vose nemashoko oUmambo. Izvi zvinosanganisira vanhu vakawanda vanogara mumafurati. Dzimwe nguva hazvisi nyore kubvumidzwa kupinda mumafurati. Zvisinei, sezvo mumafurati muchigara vanhu vakawanda, zvinotipa mikana yakawanda yokuti tiparidzire mashoko akanaka.
2. Nei tichifanira kuchenjera uye kuratidza kunzwisisa kana tichiparidzira mumafurati?
2 Sezvo matsotsi uye chisimba zviri kuwedzera, mafurati akawanda ava kukiyiwa uye ane magadhi anochengetedza kana kuti makamera. (2 Tim. 3:1, 2) Vanotarisira furati racho vanogona kugadza mutemo wokuti hapana munhu asina kukokwa anobvumidzwa kupinda. Mukuru mukuru wevanotarisira ipapo anogona kutikumbira kubva pafurati racho, kunyanya kana mumwe munhu anogara ipapo akanyunyuta. Saka, zvinokosha kuti tichenjere uye tiratidze kunzwisisa.
3. Inguva ipi yakanaka kuparidzira mumafurati uye nei?
3 Nguva Yatingaparidzira Mumafurati: Sezvatinongoitawo mune dzimwe ndima, zvakanaka zvikuru kuparidzira mumafurati kana vanhu vari pamba. Tinogona kufungirwa kana tikaendako kusina vanhu vakawanda. Vaparidzi vakawanda vave vachiwana vanhu vari pamba manheru kana kuti masikati oMugovera uye eSvondo. Kuparidzira mumafurati mangwanani-ngwanani, kunyanya pakupera kwevhiki, kungaita kuti vanogarako vanyunyute kune vanotarisira nzvimbo yacho.
4, 5. Tingapinda sei mumafurati anokiyiwa pagedhi?
4 Kupinda Mumafurati: Vaparidzi havafaniri kukumbira vanotarisira nzvimbo yacho vasati vatanga kuparidzira. Kana pagedhi pakakiyiwa asi paine indakomu, tinogona kuishandisa kuti titsvake munhu anotibvumira kupinda kuti titaure naye. Zvichienderana nezvakaita mafurati acho, tinogona kuparidzira pasuo nesuo pashure pokunge tataura nomunhu anenge atibvumira kupinda. Zvisinei pane dzimwe nguva, kunenge kuri kuchenjera kudzokera kugedhi toshandisa indakomu kuti titaure nomunhu anotevera. Tinofanira kushandisa uchenjeri hwedu patinosarudza kuti tichaona vanhu vangani patinenge tichiparidzira pafurati rinoda kuti tiite izvi.
5 Vanogara ipapo vangada kuti uvaudze paindakomu zvawafambira. Kana zvakadaro, taura noushamwari kuti ndiwe ani. Shandisa zita rake kana riri paindakomu. Taura muchidimbu nyaya yako. Vamwe vakabudirira pavakaverenga zvakananga mashoko avo okusuma kubva mubhuku rinonzi, Kurangarira.
6. Tinofanira kuitei kana tichiparidzira mumafurati anochengetedzwa nagadhi?
6 Kana furati racho riina gadhi anenge asingatibvumidzi kuparidzira, tinogona kumuparidzira iye. Vakawanda vacho vanoda kuverenga mabhuku edu. Tinogona kutotanga kudzidza Bhaibheri ipapo panopinda nevanhu. Kana gadhi akatibvumidza kupinda kuti tinoona munhu anenge afarira, kazhinji zvakanaka kuti tisaende pane mamwe masuo.
7. Tinofanira kufungei nezvebhegi redu rokunoparidzira?
7 Kuratidzika uye Tsika Dzedu: Kutakura mabhegi mahombe kunogona kuita kuti vanhu vaticherechedze nyore nyore. Saka, tinogona kushandisa mabhegi maduku kana kusatomboashandisa. Vamwe vaparidzi vanoisa mabhuku avari kushandisa mumabhegi maduku uye vanotakura Bhaibheri ravo muruoko kana muhomwe.
8. Mapoka anenge achiparidzira mumafurati angarongwa sei?
8 Zvakanaka kuti tisaungana takawanda, kunyanya pagedhi kana kuti panopakwa motokari, nokuti izvi zvinoita kuti vanhu vade kuziva kuti chii chiri kuitika. Tinofanira kuchenjerera kana tichiparidzira mumafurati ari munzvimbo dzine matsotsi akawanda. (Zvir. 22:3) Somuenzaniso, mapoka maviri kana matatu evaparidzi anogona kushanda panhurikidzwa imwe chete asiri kure nakure zvakanyanya, zvimwe achipanana majana okupinda pasuo vamwe vakamirira.
9. Tingaratidza sei tsika dzakanaka, uye nei izvi zvichikosha?
9 Pamunenge muchipinda mufurati, puku- tai shangu dzenyu uye nyatsovharai musuo. Tikadai, tinoita kuti vanogara ipapo vasanyunyuta. Kana tapinda, ngatinangei kurifiti kana kuti kunhurikidzwa yatiri kuda kushanda pane kungomira-mira pamusuo. Izvi zvinoita kuti vanenge vachitiona vasatifungira.
10. Tingadzivisa sei kuita ruzha kana tiri mukoridho?
10 Mumafurati akawanda, ruzha rwunoita maungira mukoridho. Saka musataurisa asi taurai zvinonzwiwa newamuri kuparidzira. Kana muchitaura nevamwe vaparidzi, taurirai pasi, uye taurai makadzikama kuti vanhu vasakufungirai. Vamwe vaparidzi havatevedzi masuo pavanenge vachiparidzira kuitira kuti vasavhiringidza vanogarapo, asi vanopinda chero dzimba, vachimbosiya dzimwe pakati vozodzidzokera. Uyezve kugogodza masuo zvine ruzha kana kuti zvinovhundutsa zvingaita kuti vatye.
11. Mazano api angabatsira patinogogodza padhoo rine pokudongorera?
11 Kana dhoo riine pokudongorera napo, mirai zvokuti ari mukati anogona kukuonai mose. Nyatsotarisai paburi racho uye kana mukaona kuti mumwe munhu ari kudongorera, mukwazisei noushamwari uye tangai kukurukura naye. Kana munhu wacho akabvunza kuti, ‘Ndiani?’ zvakanaka kutaura mazita enyu. Munhu wacho anogona kusununguka kuzarura musuo. Kana akasadaro, munogona kutaura mashoko enyu chero dhoo racho rakavharwa.
12. Tingadzivisa sei zvinetso patinosiya mabhuku pamba panenge pasina vanhu?
12 Vasingawaniki Pamba: Kazhinji vanotarisira mafurati vanonyunyuta kuti vanonhonga mabhuku mukoridho kana kuti kunze kwemafurati. Mabhuku anenge asiyiwa pamasuwo anogona kungodonhera pasi oita marara. Saka, kana mabhuku achisiyiwa panenge pasina vanhu, anofanira kuiswa pasingaonekwi nevanenge vachipfuura.
13. Tinofanira kuitei kana tikawana saimba asingatifariri?
13 Vanasaimba Vasingadi Kutiona: Kana tikawana saimba asingatifariri angadana mutarisiri wefurati, zvakanaka kubva ipapo tozodzoka pane imwe nguva. Pane dzimwe nguva, kungava kuchenjera kubuda mufurati racho kuitira kuti tisanetsana nomutarisiri wefurati racho. Kunyange kana saimba wacho akasataura kuti musadzoka, zvingava nani kunyora pasi nhamba yemba muchiratidza kuti hapaendwi mochengetera izvi pamunochengetera kadhi rendima. Sezvinongoitwawo dzimwe dzimba dzine vasingadi kuparidzirwa, dzimba idzi dzinofanira kuzoshanyirwa nguva nenguva nechinangwa chokuona kuti saimba wacho achakadaro here.
14, 15. Tinofanira kuitei kana munhu anotarisira furati akatikumbira kuti tibve?
14 Kana Mukakumbirwa Kubva: Patinenge tichiparidzira mufurati, kana tikakumbirwa kubva neanotarisira furati racho, nagadhi, anogadziridza zvinhu zveipapo, kana chero munhu anomiririra vanogara mufurati racho, zvingava zvakanaka kubva nokukurumidza. Ngatiedzei nepatinogona napo kuti tisazoshandisirwa mapurisa. Kazhinji, vanotarisira furati racho vanenge vasingativengi asi vanenge vachingoitawo basa ravo.
15 Dzimwe nguva, kana anotarisira furati akakumbira kuti mubve, munogona kumutsanangurira zvakanaka nokungwarira zvamunenge mafambira. (1 Pet. 3:15) Tinoziva kuti basa rake nderokuita kuti vanogarapo vafare uye kuchengetedza furati racho. Zvimwe anogona kukubvumirai kuti murambe muri mufurati racho. Asi, kana akasadaro, ibvai murugare. Kana zvichiita, munogona kukumbira kuti mupote muchisiya mabhuku panopindwa napo kana kuti mumabhokisi etsamba. (VaK. 4:6) Mutariri webasa anofanira kugara achiudzwa panoitika zvinhu zvakadai.
16. Tinofanira kuitei kana zvinetso zvikaramba zviripo patinenge tichiedza kuparidzira mumafurati?
16 Zvimwe pashure penguva yakati, vaparidzi vangaedza nokuchenjera kuparidzira mufurati racho. Zvisinei, kana zvinetso zvikaramba zviripo, vakuru vangakumbira kubatsirwa nehofisi yebazu pane kuti vaparidzi vaedze kugadzirisa voga zvinetso zvacho. Kana vaparidzi vasingakwanisi kuparidza mumafurati acho, vanogona kushandisa dzimwe nzira, dzakadai sokuparidzira norunhare kana netsamba. Vamwe vaparidzi vanoparidzira mumigwagwa inenge iri pamberi kana pedyo nefurati munguva dzemangwanani uye dzemanheru apo vanhu vanoenda kubasa nokudzoka kumba.
17. Nei zvichikosha kuti tiparidzire mumafurati?
17 Nyika ino yava kuda kuzoguma. Vaya vanodana pazita raJehovha ndivo chete vachaponeswa. “Zvisinei, vachadana sei pana iye wavasina kutenda maari? Uyewo, vachatenda sei maari iye wavasina kunzwa?” (VaR. 10:13, 14) Vakawanda vane “mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi” vanogara mumafurati. (Mab. 13:48) Kana tikaita nokuchenjera uye nokunzwisisa, tinogona kuvaparidzira mashoko akanaka.