Bhokisi Remubvunzo
◼ Unofanira kuitei kana ukanzi urege kuparidza?
Dzimwe nguva mapurisa akaenda kuvaparidzi vaiva muushumiri, akavaudza kuti vaityora mutemo, uye kuti vaifanira kurega kuparidza. Kana ukanzi ubve mundima yacho, unofanira kukurumidza kudaro uye nounyoro. (Mat. 5:41; VaF. 4:5) Usaedza kugadzirisa zvinhu woga nokutaura navo nezvekodzero dzedu dzepamutemo. Kana zvichiita, wana nokungwarira nhamba yoMupurisa wacho uye zita reKamba Yemapurisa yaanoshandira. Wadaro, kurumidza kuudza vakuru, uye ivo vachakurukura nebazi nezvezvaitika. Uyewo, kana ukanzi ubve mune chimwe chivako nomukuru mukuru kana kuti mumwe mutarisiri wepo, unofanira kubva wadaro uye wonoudza vakuru. Kushanda nounyoro uye nokuzvininipisa nevaya vane masimba kungabatsira chaizvo kuita kuti pasava nematambudziko aigona kudziviswa.—Zvir. 15:1; VaR. 12:18.