Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Dec. 1
“Makambozviona here kuti utsanana hwevanhu hunosiyana-siyana? [Rega apindure.] Onai chimwe chikonzero nei utsanana huchikosha. [Verenga 1 Petro 1:16.] Nyaya iyi ine mazano anobatsira okuti tirambe tiine utsanana.” Muratidze nyaya inotangira papeji 9.
Awake! Dec.
“Vanhu vakawanda vanoedza kuremekedza Jesu panguva ino yegore. Maererano nendima ino, munofunga kuti inzira ipi yakanakisisa yokumuremekedza? [Verenga Johani 14:15. Rega apindure.] Zuva chairo rakaberekwa Jesu harizivikanwi, uye mungashamiswa kuziva kuti musi waDecember 25 wakazongosarudzwa kuti uve musi weKrismasi.” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.
Nharireyomurindi Jan. 1
“Vanhu munyika yose vane mafungiro akasiyana nezvaMariya, amai vaJesu. Imi munofungei? [Rega apindure.] Bhaibheri rinoratidza kuti Mariya akaita basa rinokosha munhoroondo yevanhu. [Verenga Ruka 1:30-32.] Magazini ino inotsanangura zvatinodzidza kuna Mariya.”
Awake! Jan.
“Madziva nenzizi dzakawanda munyika zviri kupwa, uye vanhu mamiriyoni havawani mvura yokunwa yakachena. Munofunga kuti vanhu vanogona kunyatsopedza chinetso ichi here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Jeremiya 10:23.] Magazini ino inotsanangura chichanyatsogadzirisa dambudziko iri sezvinotaurwa muBhaibheri.”