Urongwa Hwakaitirwa Vashumiri vechiKristu
1. Urongwa hupi hutsva hwakatanga muna 1938, uye chinangwa chahwo chakanga chiri chei?
1 Muna 1938, sangano raJehovha rakatanga urongwa hutsva. Mapoka eungano aikokwa kuti apinde magungano ezoni, ava kunzi magungano edunhu. Kuitirei? Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaimbonzi Informant, hwaJanuary 1939 hwakapindura kuti: “Magungano aya ndehumwe urongwa hwesangano raJehovha hunobatsira kuziva maitirwo ebasa rake roUmambo. Mirayiridzo inopiwa ipapo inobatsira chaizvo kuti mumwe nomumwe wedu aite nomazvo basa ratakapiwa.” Tikatarisa kuwedzera kwevazivisi voUmambo kubva pa58 000 muna 1938 kusvika kuvanopfuura 7 000 000 muna 2009, zvinoratidza kuti magungano edunhu ari kunyatsoita chinangwa chawo chokubatsira vashumiri kuti ‘vaite basa ravakapiwa’!
2. Chii chichakurukurwa pagungano redu redunhu mugore idzva rebasa?
2 Musoro Wegore Rinouya: Tinotarisira kunakidzwa nepurogiramu ichatanga muna September uye kuti ichatikurudzira. Musoro wacho unoti “Hamusi Venyika” uchabva pana Johani 15:19. Ndedzipi dzimwe hurukuro dzichanyatsobatsira vashumiri vechiKristu? Musi woMugovera tichanzwa hurukuro inoti, “Basa Renguva Yakazara Rinotidzivirira Sei?” Tichanakidzwawo nokunzwa hurukuro yokusiyirana ine zvikamu zvitatu inoti, “Usasvibiswa ne. . . ” “Chikara,” “Hure Guru,” uye “Vanhu Vanofamba Vachitengesa.” Musi weSvondo tichanzwa yokusiyirana ine musoro unoti “Ida Jehovha, Kwete Nyika.” Dzimwe hurukuro dzinosanganisira dzinoti “Rambai Muchiita ‘Sevatorwa Uye Vagari Venguva Duku,’” uye “Shingai! Munogona Kukunda Nyika.”
3. Kana tikapinda gungano redunhu zvii zvatichabatsirwa nazvo?
3 Imwe hanzvadzi yakanga isingachanyanyi kuita ushumiri, pashure pokunge yapinda gungano redunhu richangopfuura, yakanyora kuti purogiramu yacho yakaita kuti aongororezve upenyu hwake uye atsunge “kuenda kunoparidza orega kuzvipembedza netuzvikonzero!” Zviri pachena kuti purogiramu yegungano redunhu yegore idzva rebasa ichatibatsira tose kuda Jehovha kwete nyika. (1 Joh. 2:15-17) Iva nechokwadi chokuti wapinda uye uchateerera kuitira kuti unyatsobatsirwa chaizvo neurongwa uhwu hworudo hunoitirwa vashumiri vechiKristu!