Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi September 1
“Vakawanda vanofunga kuti nhoroondo yaAdhamu naEvha iri muna Genesisi ingori ngano zvayo. Vamwe vanotenda kuti Adhamu naEvha vaiva vanhu chaivo. Munofungei? [Rega apindure.] Onai zvakataurwa naJesu nezvavo. [Verenga Mako 10:6-9.] Nyaya ino inoongorora uchapupu hwacho uye inotsanangura kuti nei tichifanira kuva nehanya nezvatinotenda.” Muratidze nyaya inotangira papeji 12.
Awake! September
Verenga 1 Johani 4:8. Zvadaro iti: “Vamwe vanotenda kuti Mwari anotambudza vakaipa nokusingaperi mumoto. Vamwe vanofunga kuti pfungwa iyoyo haienderani nezvatichangobva kuverenga. Munofungei? [Rega apindure.] Nyaya ino inoratidza zvinodzidziswa neBhaibheri panyaya yacho.” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.
Nharireyomurindi October 1
“Tose zvedu tinosangana nematambudziko muupenyu. [Taura mamwe anonyanyozivikanwa mundima yenyu.] Munofunga kuti Mwari angatibatsira here pamatambudziko aya? [Rega apindure.] Muvhesi ino Jesu anoratidza nzira imwe chete iyo Mwari anotibatsira nayo. [Verenga Ruka 11:13.] Magazini ino inotsanangura chinonzi mudzimu mutsvene uye kutibatsira kwaungaita.”
Awake! October
“Tinotarisira kuti matambudziko anomuka mumhuri yoga yoga. Munofunga kuti mhuri dzingawana kupi mazano akavimbika uye anoshanda? [Rega apindure. Zvadaro verenga Pisarema 32:8.] Awake! iyi ine nyaya inokosha inotaura zvinhu zvinoverengeka zvinotaurwa neBhaibheri, izvo kana zvikashandiswa, zvichabatsira mhuri.”