Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi September 1
“Dzimwe nguva vanhu vanoita zvakaipa vachifunga kuti vari kuita zvinodiwa naMwari asi vakatorasika. Munofunga kuti chii chinokonzera kuti vanyengedzwe saizvozvo? [Rega apindure.] Onai zvinokurudzirwa neBhaibheri. [Verenga 1 Johani 4:1.] Nyaya iyi inotsanangura kuti nei zvichikosha kuti tienzanise zvatinotenda nezvinotaurwa neShoko raMwari.” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.
Awake! September
Verenga Mateu 5:39. Zvadaro iti: “Munofunga kuti Jesu aireva kuti kana tikaitirwa zvakaipa tinofanira kukuvarira mukati here? [Rega apindure.] Nyaya iyi inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvekuzvidzivirira uye kutsvaka kudzivirirwa nemutemo.” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.
Nharireyomurindi October 1
“Pasi rose vanhu vari muzvitendero zvakasiyana-siyana vanonyengetera. Munofunga kuti Mwari anonzwa uye anopindura minyengetero here? [Rega apindure.] Bhaibheri rinotikurudzira kuti tinyengetere. [Verenga VaFiripi 4:6, 7.] Magazini iyi inopindura kubva muBhaibheri mibvunzo minomwe inowanzobvunzwa nezvemunyengetero.”
Awake! October
“Kazhinji tinonzwa nezvevanhu vanenge vabatiswa pasi newavakaroorana naye, vezvematongerwo enyika, kana kuti vamwe vanhu. Munofunga kuti zviri kuramba zvichiwedzera kuoma kuti uwane vanhu vokuvimba navo here? [Rega apindure.] Vakawanda vanoona sokuti rugwaro urwu rwuri kuzadzika. [Verenga 2 Timoti 3:1-5.] Magazini iyi inotsanangura kuti vanhu vokuvimba navo vangawanikwa kupi.”