Uchashandisa Mukana Wacho Here?
Chirangaridzo Chegore Rino Chinotipa Mukana Wokuratidza Kuonga
1. Chirangaridzo chinotipa mukana upi unokosha?
1 Chirangaridzo chichaitwa musi wa14 April chinotipa mukana unokosha wokuratidza kuonga kwatinoita kunaka kwaJehovha. Nyaya iri pana Ruka 17:11-18 inoratidza maonero anoita Jehovha naJesu kuonga. Zvinosuruvarisa kuti munhu mumwe chete pagumi vakarapwa maperembudzi ndiye akashandisa mukana wokuonga. Mune ramangwana, chipo cherudzikinuro chichaita kuti tiporeswe paurwere hwose, zvoita kuti tikwanise kurarama nekusingaperi! Hapana mubvunzo kuti tichaonga Jehovha zuva rimwe nerimwe pamusana pezvikomborero izvozvo. Asi tingaratidza sei kuonga kwedu muvhiki dziri kutevera?
2. Zvii zvatingaita kuti tiwedzere kuonga rudzikinuro?
2 Ita Zvinoita Kuti Uve Nokuonga: Kuonga kunotangira mupfungwa. Kuti tibatsirwe kuonga rudzikinuro, purogiramu yekuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo inowanika mumashoko ekuwedzera ari muBhaibheri reChirungu reShanduro Yenyika Itsva rakadzokororwa (appendix B12), mukarenda, uye mubhuku raKuongorora Magwaro Zuva Nezuva. Ichaiswawo pajw.org Chirangaridzo chisati chaitwa. Madii kudzidza Magwaro acho semhuri? Kuita izvi kuchaita kuti tiwedzere kuonga kwatinoita rudzikinuro, zvoita kuti tive neunhu hwakanaka.—2 VaK. 5:14, 15; 1 Joh. 4:11.
3. Tingaratidza sei kuti tinoonga mumwaka weChirangaridzo?
3 Ratidza Kuonga: Kuonga kunoratidzwa nezvatinoita. (VaK. 3:15) Munhu aionga akarapwa maperembudzi akatsvaga Jesu ndokumutenda. Hapana mubvunzo kuti aitoudzawo vamwe achifara chaizvo nezvechishamiso chakaitwa chokumurapa. (Ruka 6:45) Kuonga rudzikinuro kuchaita kuti tishingaire pamushandirapamwe wekukoka vanhu kuChirangaridzo here? Kuita upiyona hwebetsero kana kuti kuwedzera ushumiri hwedu mumwaka weChirangaridzo ndeimwe nzira yakanaka yokuratidza kuonga kwedu. Mwoyo unoonga uchaita kuti tigamuchire vaenzi uye tipindure mibvunzo yavo pamanheru achaitwa Chirangaridzo.
4. Tingaita sei kuti tisazozvidemba tichifunga nezveChirangaridzo chegore rino?
4 Ichi ndicho chichava Chirangaridzo chedu chekupedzisira here? (1 VaK. 11:26) Hatizivi. Asi tinoziva kuti chikangopfuura, mukana unokosha wokuratidza kuonga unenge wapfuurawo. Uchaushandisa here? Mashoko edu ekuonga uye kufungisisa kwemwoyo wedu ngazviite kuti Jehovha, uyo akatigovera rudzikinuro afare.—Pis. 19:14.