Bhokisi Remibvunzo
◼ Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kuparadzira kune vamwe zvinhu zvakarekodhwa kana kuti manotsi ehurukuro here?
Tinosimbiswa uye tinokurudzirwa nehurukuro dzinobva muBhaibheri. (Mab. 15:32) Saka, zviri matiri kuti tinoda kupawo vamwe vanenge vasiri kumisangano mashoko anokurudzira aya. Nemhaka yekuva nemichina mitsva yokurekodhesa iri kugadzirwa, hurukuro inogona kurekodhwa uye kuparadzirwa kune vamwe munguva pfupi-pfupi. Vamwe vakachengeta hurukuro dzakarekodhwa kusanganisira hurukuro dzakapiwa makore akawanda akapfuura, uye vanopawo vamwe nechinangwa chakanaka kana kuti kudzikopera shamwari dzavo. Vamwewo vakagadzira nzvimbo dzepaIndaneti dzokupanana mashoko kuti chero anenge achida anogona kuwana hurukuro ipapo.
Zvinonzwisisika uye hazvirambidzwi kurekodha hurukuro dzatinozoshandisa isu pachedu kana kuti vamwe vemumhuri. Uyezve, vakuru vanogona kuronga kuti hurukuro dzirekodherwe dzimwe hama dzomuungano dziri ndonda dzisingakwanisi kupinda misangano. Zvisinei, pane zvikonzero zvakanaka zvinoita kuti tisaparadzira manotsi ehurukuro kana kuti hurukuro dzakarekodhwa.
Kazhinji hurukuro dzinopiwa dzinenge dzichitaura nezvezvinhu zvine chokuita nenzvimbo iyoyo. Saka tinogona kutaura nepasipo pfungwa dzinenge dziri muzvinhu zvakarekodhwa zvinenge zvichiparadzirwa nokuti tinenge tisingazivi mamiriro ezvinhu aivapo pakapiwa hurukuro yacho. Uyezve, zvingatiomera kuziva akapa hurukuro yacho uye kuti yakapiwa rini, kuitira kuti tive nechokwadi chokuti mashoko acho ari kufambirana nenguva uye akarurama. (Ruka 1:1-4) Uyezve, kuparadzira hurukuro dzakarekodhwa kana manotsi ehurukuro kunogona kuita kuti vamwe vape kana kuti vagamuchire mbiri isina kuvakodzera kana kuti ruremekedzo.—1 VaK. 3:5-7.
Muranda akatendeka, akangwara anoshanda nesimba kugovera “mugove” wakakodzera wezvokudya zvine chokuita nekunamata uye “panguva yakakodzera.” (Ruka 12:42) Izvozvo zvinosanganisira urongwa hwehurukuro dzinopiwa muungano dzeZvapupu zvaJehovha dziri munzvimbo dzakasiyana-siyana uye mashoko ezvinhu zvakarekodhwa zvinowanika panzvimbo yedu yepamutemo iri paIndaneti yakanzi jw.org. Tinogona kuva nechokwadi chokuti muranda akatendeka, akangwara neDare rake Rinodzora achagovera zvatinoda kuti tisimbiswe pakutenda.—Mab. 16:4, 5.