RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/10 p. 8
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 8/10 p. 8

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi August 1

“Munofunga kuti chii chinodiwa nevanhu kuti vafare? [Murege apindure. Zvadaro verenga Mateu 5:3.] Aya ndiwo mamwe mashoko akataurwa naJesu panyaya yomufaro. Nyaya iyi inokurukura zvatinodzidza kubva kuna Jesu panyaya yokuti tingawana sei mufaro wechokwadi.” Muratidze nyaya inotangira papeji 16.

Awake! August

“Mazuva ano mafirimu akawanda azere nezvinhu zvoudhimoni, zvemashiripiti, uye zvouroyi. Munofunga kuti madhimoni ariko here? [Murege apindure. Zvadaro verenga 1 VaKorinde 10:20.] Nyaya iyi inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvemadhimoni uye kuti isu tingazvidzivirira sei kuti asativhiringa.” Muratidze nyaya inotangira papeji 20.

Nharireyomurindi September 1

Taura nyaya yakabuda munhau iri kunetsa vanhu vemundima yenyu. Zvadaro iti: “Makambonetseka here kuti nei vanhu vachiita zvinhu zvakaipa kudaro? [Murege apindure.] Bhaibheri rinotipa chikonzero chokuti tive netariro. [Verenga 2 Petro 3:13.] Magazini iyi inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pokuti uipi hunokonzerwa nei uye zvichaitwa naMwari munguva pfupi kuitira kuti ahubvise.”

Awake! September

“Munofunga kuti maserura, tsamba dzepakombiyuta, nzvimbo dzokutumirana mashoko paIndaneti (chat rooms), nedzimwe nzira dzemazuva ano dzokukurukura nevanhu zvapedza kusurukirwa here kana kuti ndizvo zvinotokonzera kusurukirwa? [Murege apindure.] Pano pane rimwe zano rinogona kutibatsira kuti tisasurukirwa. [Verenga Mabasa 20:35.] Magazini iyi ine mamwe mazano anobatsira anowanikwa muBhaibheri.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe