Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna June
“Tose zvedu tine hama kana kuti shamwari dzakafa. Mune tariro yokuzovaonazve here? [Rega apindure.] Onai mashoko aya anonyaradza.” Verengai pamwe chete uye kurukurai mashoko ari pasi pekamusoro kadiki kokutanga papeji 16 yeNharireyomurindi yaJune 1 uye rumwe rwemagwaro akanyorwa ipapo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzokera kuti munokurukura mhinduro yemubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi June 1
“Vakawanda vedu vanotamburira kuwana chouviri, uye vamwe vanhu havatombowani zvinodiwa muupenyu. Munofunga kuti pachazombova here nenguva yokuti kunenge kusisina kana murombo? [Rega apindure. Ibva waverenga Pisarema 9:18.] Magazini ino inotaura chinokonzera urombo uye zvinotaurwa neBhaibheri nezvechichanyatsopedza dambudziko iri.”
Awake! June
“Ugandanga hwazova dambudziko riri munyika yose. Munofunga kuti chii chinohukonzera? [Rega apindure.] Mashoko aya emuBhaibheri anotipa tariro. [Verenga Pisarema 72:7, 14.] Magazini ino inotsanangura zvimwe zvinokonzera ugandanga uye zvinotaurwa neBhaibheri nezvokuti ugandanga huchapedzwa sei uye rini.”