RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/13 p. 4
  • Mharidzo Dzokuenzanisira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mharidzo Dzokuenzanisira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 5/13 p. 4

Mharidzo Dzokuenzanisira

Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna June

“Anenge munhu wose watinotaura naye anoda kuti munyika muve norugare. Asi hondo dzichiri kungorwiwa. Munofunga kuti nei zvakaoma kuti nyika yose ive norugare?” Rega apindure. Muratidze peji yokupedzisira yeNharireyomurindi yaJune 1, uye kurukurai mashoko ari pasi pomubvunzo wokutanga, moverenga rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo unotevera.

Onai kuti: Mharidzo iyi inofanira kuenzanisirwa pamusangano webasa romumunda womusi waJune 1.

Nharireyomurindi June 1

“Tiri kushanya kwenguva diki munharaunda ino kuti titaure nezvedambudziko rine vanhu vakawanda. Vakawanda vakambosarurwa. Munofunga kuti pane imwe nzvimbo here pasi rose isina rusaruro? [Rega apindure.] Onai kuti Mwari anoona sei vanhu vose. [Verenga Mabasa 10:34.] Magazini ino inotsanangura kuti Mwari achagumisa sei rusaruro zvachose.”

Awake! June

“Ndingada kunzwa mafungiro enyu pane imwe nyaya. Zvingori muropa kuti tide upenyu huri nani. Munofunga kuti tinogona kuhuwana nekutenga zvinhu zvakawanda here? [Rega apindure.] Onai mashoko aya anokosha akataurwa naJesu. [Verenga Ruka 12:15.] Magazini ino inoratidza maonero akanaka atinofanira kuita zvinhu uye inopa mazano anobatsira okuti tingashandisa sei mari zvine mwero.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe