Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna June
Verenga Isaya 42:8. Zvadaro iti: “Kubva pandima iyi Mwari ane zita. Munofunga kuti zvinokosha here kuti tishandise zita raMwari? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa pano.” Ipa saimba Nharireyomurindi yaJune 1, mokurukura mose zviri pasi pekamusoro kokutanga kari papeji 16. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka muchizokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi June 1
“Ndinoda kunzwawo pfungwa dzenyu panyaya iyi inokosha. [Vhura peji 3, womuratidza zviripo.] Pane zviri apa ndezvipi zvamunofunga kuti zvinoenderana nemaonero amunoita Bhaibheri? [Rega apindure.] Tarisai muone zvinotaurwa neBhaibheri. [Verenga VaRoma 15:4.] Magazini ino inokurukura zvikonzero zvishanu zvinoita kuti Bhaibheri rive bhuku rakasiyana nemamwe mabhuku uye inoratidza kuti ringatibatsira sei.”
Awake! June
“Gore negore pasi rose vanhu vakawanda vanorwariswa nezvokudya. Pakufunga kwenyu, munofunga kuti zvokudya zviri munharaunda yedu zvakadii? [Rega apindure.] Magazini ino inotsanangura zvinhu zvina zvatingaita kuti tidzivirire mhuri dzedu pazvokudya zvinorwarisa. Inokurukurawo vimbiso iri muBhaibheri yokuti munguva pfupi iri kuuya munhu wose achange ava kuwana zvokudya zvine utano.” Verenga Pisarema 104:14, 15.