Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna September
“Vanhu vezvitendero nemarudzi akasiyana-siyana vanonyengetera mazuva ose. Munofunga kuti Mwari anopindura minyengetero yose here?” Rega apindure. Zvadaro ipa saimba Nharireyomurindi yaSeptember 1 uye kurukurai mose mashoko ari pasi pekamusoro kekutanga kari papeji 16 uye rimwe remagwaro aripo. Govera magazini acho ari maviri uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi September 1
Ratidza munhu wacho kavha yemagazini, wobva wati: “Mubvunzo uyu mungaupindura sei? [Rega apindure.] Onai kuti Bhaibheri rinotii. [Verenga 1 Johani 5:19.] Sezvataurwa nendima iyi, “akaipa,” kana kuti Dhiyabhorosi, ndiye ari kutonga nyika. Asi izvi zvinoita kuti pave nemimwe mibvunzo yokuti: Dhiyabhorosi ariko here? Akabva kupi? Mwari achamurega achitonga kusvikira rini? Magazini iyi inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya iyi.”
Awake! September
Vanhu vakawanda mazuva ano vari kutenderera musoro nenyaya yemari. Munofunga kuti sei zvinhu zvakaoma kudai? [Rega apindure.] Bhaibheri rine mashoko ouchenjeri akabatsira vakawanda kuti vashandise mari yavo zvakanaka. [Verenga rimwe remagwaro ari papeji 8 ne9.] Magazini ino inopa mazano anoshanda kune vaya vatambura nezvikwereti.”