RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/05 p. 1
  • Kuparidza Umambo—Ropafadzo Chaiyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparidza Umambo—Ropafadzo Chaiyo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Kuparidza—Ropafadzo Inokudzwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Koshesa Ropafadzo Yako Yokuparidza
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Kuronzeswa Pfuma
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Tinokoshesa Ropafadzo Dzedu!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 8/05 p. 1

Kuparidza Umambo—Ropafadzo Chaiyo

1 Zuva nezuva, mabhiriyoni evagari vepasi anobatsirwa nourongwa hwaJehovha hworupo hunotsigira upenyu. (Mat. 5:45) Zvisinei, vashomanana vane ropafadzo iyi chaiyo yokuonga Musiki wavo nokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mat. 24:14) Unokoshesa zvakadini ropafadzo iyi chaiyo?

2 Kuparidza Umambo kunokudza Mwari uye kunounza tariro norugare kuvanhu vari kunetswa nenguva yanhasi inotambudza. (VaH. 13:15) Kune vaya vanogamuchira shoko racho, zvinoreva upenyu husingaperi. (Joh. 17:3) Ibasa ripi kana bhizimisi ringapa mibayiro yakadaro? Muapostora Pauro akaratidza kuonga kwake ushumiri nenzira yaakahuita nayo. Aihuona sechinhu chinokosha.—Mab. 20:20, 21, 24; 2 VaK. 4:1, 7.

3 Kuonga Ropafadzo Yedu Chaiyo: Imwe nzira yatinoratidza nayo kuti tinoonga ropafadzo yokuparidza ndeyokuongorora kunaka kwebasa redu. Tinozvipa nguva yokugadzirira mharidzo dzichasvika pamwoyo yevateereri vedu here? Tingavandudza here unyanzvi hwedu mukushandisa Magwaro uye pakukurukura nevanhu? Tinonyatsoshanda ndima yedu yatakapiwa here? Tinogona kutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu here? Kufanana nevaKristu vakatendeka, vekare nevanhasi, tinokurudzirwa nokuona basa iri zvakanaka, uye tinokoshesa ropafadzo yedu.—Mat. 25:14-23.

4 Patinenge tichitambura nezvinetso zvokukwegura, utano husina kunaka, kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu akaoma, zvinonyaradza kuziva kuti kushingaira kwatinoita muushumiri zvechokwadi kunokosheswa zvikuru. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti Jehovha anokoshesa kushingaira kwakadaro pakumushumira, kunyange kuya kungasayemurika mukuona kwevamwe.—Ruka 21:1-4.

5 Kuparidza Umambo kunoita kuti tinyatsogutsikana. Imwe hanzvadzi ine makore 92 yakati: “Iropafadzo kutarira shure makore anopfuura 80 ebasa rakatsaurirwa kuna Mwari—pasina kuzvidemba! Kudai ndainzi nditangezve kurarama, ndaizorarama zvakafanana nokuti, chokwadi, ‘mutsa worudo waMwari uri nani kupfuura upenyu.’” (Pis. 63:3) Nesuwo ngatikoshese ropafadzo iyi chaiyo inobva kuna Mwari—basa rokuparidza Umambo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe