Kuparidza—Ropafadzo Inokudzwa
1 Ushumiri hwamashoko akanaka iropafadzo inokudzwa iyo Jehovha akatambanudzira kwatiri. (VaR. 15:16; 1 Tim. 1:12) Ndiyo nzira yaunohurangarira nayo here? Kupfuura kwenguva kana kuti zvimwe kunyomba kwavamwe hazvifaniri kubvumirwa kuderedza ukoshi hwawo mumeso edu. Kutakura zita raMwari rukudzo runopiwa kuvashomanene bedzi. Tinogona sei kuita kuti kuonga kwedu iyi ropafadzo kukure?
2 Kuparidza shoko roUmambo hakuiti kuti nyika itide. Vazhinji vanorangarira basa redu nokusakendenga kana kuti kusakatara. Vamwe vanorinyomba uye vanorishora. Chishoro chakadaro chinogona kubva kuvashandi biyedu, vavakidzani, kana kuti kunyange kumitezo yemhuri. Mumeso avo tingaratidzika kuva vakatsauswa uye mapenzi. (Joh. 15:19; 1 VaK. 1:18, 21; 2 Tim. 3:12) Tsinhiro dzavo dzinoodza mwoyo dzakagadzirirwa kuderedza shingairo yedu uye kutiparira kuderera kana kuti kurega ropafadzo yedu inokudzwa. Mirangariro yakaipa inosimudzirwa naSatani, uyo “akapofumadza ndangariro dzavasingadaviri, kuti kuvhenekera kwamashoko akanaka ane mbiri . . . kurege kupenya.” (2 VaK. 4:4, NW) Iwe unoita sei?
3 Kunokosha kurangarira kuti kuparidza kwedu pamusoro poUmambo ibasa rinokosha zvikurusa iro upi noupi wedu angagona kuva achiita nhasi. Tine shoko rinoponesa upenyu iro risingawaniki kupfurikidza neimwe nzira. (VaR. 10:13-15) Kuva netendero yaMwari, isati iri yomunhu, ndiko kunokosha. Murangariro wakaipa wenyika womubato wedu wokuparidza hausati uchitidzivisa kuzivisa nenzira youshingi mashoko akanaka.—Mab. 4:29.
4 Jesu akaremekedza zvikuru ropafadzo yake yokuita kuda kwaBaba vake. (Joh. 4:34) Akazvipa amene chose chose kuushumiri uye haana kubvumira zvinotsausa kana kuti zvimwe vashori kumuderedza. Kuparidza shoko roUmambo nguva dzose kwakatora nzvimbo yokutanga muupenyu hwake. (Ruka 4:43) Tinorayirwa kutevedzera muenzaniso wake. (1 Pet. 2:21) Mukuita kudaro, tinobatira sa“vabati pamwe chete naMwari.” (1 VaK. 3:9) Tiri kushandisa zvakazara iyi ropafadzo here? Tinotsvaka nhambo dzokugoverana mashoko akanaka navamwe mose muri muviri nenzira yakarongwa uye nenzira yamasanga here? SeZvapupu zvaJehovha, tinofanira nguva dzose kuva vakagadzirira ku“ita ziviso yapachena kuzita rake.”—VaH. 13:15, NW.
5 Goverano yedu muushumiri inosarudzwa zvikurukuru nechimiro chedu chendangariro. Tinoonga zvikuru zvose izvo Jehovha akatiitira here? Takakudziridza mumwoyo medu kuda Jehovha uko kunotisunda kuita zvose zvatinogona mubasa rake here? Kufungisisa pamusoro pezvikomborero zvatinofarikanya zvino pamwe chete neizvo Jehovha akapikira nokuda kwenguva yemberi kunotibetsera kuti tive norudo rwakawanda rwoMusiki wedu. Rudo rwakadaro runotisundira kuchiito—kupfuurira uye kuva venguva dzose mubasa rokuparidza Umambo kutambanuko iyo mamiriro ezvinhu edu anobvumira. Kushingaira kwedu kuchapa ufakazi hwokuda kwedu Jehovha nomuvakidzani wedu.—Marko 12:30, 31.
6 Tinoratidza nzira yatinokoshesa nayo zvikuru chimwe chinhu nezvatinoita nacho uye nezvatinotaura pamusoro pacho. Tinokoshesa zvirokwazvo ropafadzo yedu yokuparidza pamusoro poUmambo here? Tinorumbidza ushumiri hwedu here? Takatsunga kupfuurira mubasa irori rinokosha pasinei zvapo nechishoro here? Kana tichiremekedza zvikuru ropafadzo iyoyi yakaisvonaka, zvirokwazvo tichava vanoshingaira nevomwoyo wose.—2 VaK. 4:1, 7.