Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna November
“Munofunga kuti vanhu vanoedza kuteerera Mwari vanofara here? [Rega apindure.] Pane zvinonakidza zviri munyaya ino.” Ipa saimba Nharireyomurindi yaNovember 1, uye verengai pamwe chete mokurukura mubvunzo mumwe chete pane iri papeji 16 ne17. Verenga runenge rugwaro rumwe chete. Govera magazini acho ari maviri, moronga kuzodzoka kuti muzokurukura mhinduro yemubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi November 1
“Vamwe vanofunga kuti zvinotaurwa neBhaibheri nezvebonde hazvifambirani nenguva uye zvinoomesera vanhu. Asi vamwe vanobvumirana nezvarinotaura. Imi munofungei? [Rega apindure.] Ona kuti mitemo iri muBhaibheri inobva kunaani. [Verenga 2 Timoti 3:16.] Magazini ino inoratidza kuti Bhaibheri rinopindura sei mibvunzo gumi inowanzobvunzwa nezvebonde. Inotsanangurawo chazvakanakira kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri.”
Awake! November
“Patinofunga nezvezvinhu zviri pano pasi nezviri kumatenga, munofunga kuti pane akazvisika here kana kuti zvakangoerekana zvavapo? [Rega apindure.] Onai zvimwe zvakataurwa nemumwe munyori weBhaibheri paakaongorora zvinhu izvi. [Verenga VaRoma 1:20.] Magazini ino inotsanangura zvakaonekwa nevesayenzi nezvesero remunhu izvo zvinotibatsira kuti tinzwisise nyaya iyi.”