RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/11 p. 1
  • Mbeu Dzinofanira Kudiridzwa Kuti Dzikure

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mbeu Dzinofanira Kudiridzwa Kuti Dzikure
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kunyora Vanenge Vafarira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kusiya Pokutangira Patinozodzoka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Wana Ushingi Hwokuita Shanyo Dzedzokerero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Tinofanira Kudzokera Rini Kune Vanenge Vafarira?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 11/11 p. 1

Mbeu Dzinofanira Kudiridzwa Kuti Dzikure

1. Chii chinofanira kudiridzwa kuti chikure?

1 Mbeu dzinenge dzadyarwa dzinofanira kudiridzwa kuti dzikure. Ndizvowo zvinofanira kuitwa mbeu dzechokwadi dzinenge dzadyarwa mumwoyo yevanhu vari mundima yedu. (1 VaK. 3:6) Tinofanira kudzoka kunoona vanenge vafarira uye kudiridza mbeu idzi dzechokwadi tichishandisa Shoko raMwari kuitira kuti vanhu vacho vafambire mberi.

2. Tingaita sei kuti tizowana pokutangira patinozodzoka?

2 Bvunza Mubvunzo: Paunogadzirira mharidzo yako, wadii kufungawo nezvemubvunzo ungafarirwa nasaimba wamunozokurukura maonana zvekare? Bvunza mubvunzo wacho pamunopedzisa kukurukura pakushanya kwekutanga, uye nyatsorongai kuti muchazoonana riini. Vakawanda vanoona zvichivaitira nyore kusarudza nyaya iri mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei vachida kuratidza kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei.

3. Zvii zvaunganyora kana uchinge waona munhu anofarira?

3 Iva Nezvaunonyora: Paunenge wapedza kukurukura nemunhu kekutanga, nyora zita nekero yake. Zvakanakawo kunyora musi wacho nenguva yawataura naye, zvamakurukura, uye bhuku raunenge wamupa. Ati ane chitendero chaanopinda here? Ane mhuri here? Ataura zvinhu zvaanofarira uye zvinomunetsa here? Kuziva izvi kunokubatsira kuti uone kuti ndezvipi zvaungakurukura naye paunozodzokazve. Nyorawo musi wamawirirana kuti uchadzoka uye mubvunzo wauchazopindura.

4. Sei tisingafaniri kukanda mapfumo pasi patinenge tichiedza kubatsira munhu anenge afarira?

4 Usakanda Mapfumo Pasi: Satani haasi kuzombozorora pakuedza kwake ‘kutora shoko’ rinenge radyarwa mumwoyo memunhu. (Mako 4:14, 15) Saka kana munhu akafarira asi uri kutadza kumuwana pamba usaora moyo. Ungasiya wanyora kapepa here kana kumutumira tsamba? Imwe hanzvadzi piyona yakatanga kudzidza nemumwe mukadzi pasuo asi payakazodzokazve yakawana asipo, ichibva yazonyora tsamba. Piyona wacho paakazoona mukadzi uyu ari pamba, mukadzi wacho akabayiwa mwoyo nekuva nehanya kwaiitwa napiyona uyu. Patinodiridza mbeu dzechokwadi, tinoona kufadza kunovapo patinoona vanhu vachifambira mberi uye vachibereka zvibereko “zvine makumi matatu uye zvine makumi matanhatu uye zvine zana.”—Mako 4:20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe