Tanga Kuronga Iye Zvino Kuti Uwedzere Ushumiri Hwako
1. Nei mwaka weChirangaridzo uchinyanya kukosha, uye zvii zvatingaita kuti tigadzirire?
1 Mwaka woga woga weChirangaridzo unotipa mukana ‘wokurumbidza Jehovha kwazvo.’ (Pis. 109:30) Uchawedzera ushumiri hwako here muna March seimwe nzira yokuratidza nayo kuti unoonga Mwari akatipa rudzikinuro? Iye zvino ndiyo nguva yokuti utange kuronga.—Zvir. 21:5.
2. Gore rapera pazvakanzi maawa emapiyona ebetsero aizoderedzwa muna April wakaita sei, uye zvii zvakaitwa nevamwe?
2 Kuita Upiyona Hwebetsero: Gore rapera ungano dzakafara chaizvo padzakanzwa nezvekuderedzwa kwemaawa emapiyona ebetsero muna April. Imwe hama yakati: “Ndichiri kuchikoro chesekondari, uye ndinoona zvakandiomera kuti ndive piyona wenguva dzose. Asi iye zvino ndichaita upiyona hwemaawa 30 ndoedza kusvitsa maawa 50 mumwedzi waApril.” Imwe hanzvadzi inoenda kubasa yakati: “Maawa 30 chete, ini ndinotoasvitsa chete!” Vamwe mbuya vane makore okuma80 vakambova piyona pavakanzwa chiziviso ichi vakati: “Ndiyo nguva yandanga ndakamirira iyi! Jehovha aiziva kuti kupayona ndicho chinhu chandaida chaizvo muupenyu hwangu!” Vamwe vakakundikana kupayona vakaronga kuwedzera zvavaiita muushumiri.
3. Nei tichifanira kufunga nezvekuita upiyona hwebetsero muna March, April, naMay?
3 March uchange uri mwedzi wakanakisisa wokuita upiyona hwebetsero nokuti pachavazve nemukana wokuita upiyona hwemaawa 30 kana kuti 50. Uyezve, kutanga musi weMugovera, March 17, tichaita mushandirapamwe unokosha wokukoka vanhu kuti vapinde nesu Chirangaridzo musi waApril 5. Vakawanda vachanakidzwa nokuwedzera kwavanenge vaita ushumiri hwavo zvokuti vachatoda kuita upiyona hwebetsero muna April naMay, asi huri hwemaawa 50.
4. Zvii zvatingaita kuti tiwedzere ushumiri hwedu, uye zvichaguma nei?
4 Panguva inouya yamuchaita Kunamata Kwemhuri, kurukurai kuti mumwe nomumwe ari mumhuri yenyu angaitei kuti awedzere ushumiri hwake mumwaka weChirangaridzo. (Zvir. 15:22) Kumbira Jehovha kuti akomborere zvose zvauchaedza kuita. (1 Joh. 3:22) Pauchawedzera ushumiri hwako zvichaita kuti Jehovha arumbidzwe, uye newewo uchafara.—2 VaK. 9:6.