Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wekutanga Muna December
“Tauya kuti tikuudzei mashoko atiri kuudza mhuri dzose. Vabereki vakawanda vanoda kuti vana vavo vade Mwari. Munofunga kuti vana vanofanira kudzidza vega kuda Mwari here kana kuti vanofanira kudzidziswa nevabereki?” Rega apindure. Muratidze peji 16 yeNharireyomurindi yaDecember 1, mokurukura mashoko ari pasi pemubvunzo wekutanga uye verengai rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Mupe magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti mukurukure mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi December 1
“Tiri kushanyira vanhu kuti titaure nezvaMwari kwenguva shoma. Tinoziva kuti munhu wese ane zvaanofunga nezvaMwari. Munofunga kuti vanhu vakawanda vanomuona sesimbawo zvaro here, kana kuti seshamwari inovada? [Rega apindure.] Vhesi iyi yeBhaibheri inotiratidza kuti Mwari anoda kuti timuone sei. [Verenga Jakobho 4:8a.] Magazini ino inotaura zvinhu zvitatu zvatingaita kuti tione Mwari seshamwari yedu yepedyo.”
Awake! December
“Tiri kushanya kwenguva shoma kuti titaure nezvedambudziko reutano rine vakawanda. Sangano rezveutano rinonzi World Health Organization, rinoti munhu mumwe chete pavanhu vana vega vega, achatombobatwa nezvirwere zvepfungwa zvakadai sedepression. Munofunga kuti vanhu vanobatwa nezvirwere zvepfungwa vari kuramba vachiwanda here? [Rega apindure.] Bhaibheri rinotipa tariro yekuti mune ramangwana, panyika pano, vanhu vachange vasisarware kana kurwadziwa. [Verenga Zvakazarurwa 21:3, 4.] Magazini ino ine zvinhu zvishoma zvatinofanira kuziva panyaya yezvirwere zvepfungwa.”