RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb14 pp. 18-19
  • Vanoonga Watchtower RAIBHURARI YEPAINDANETI

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanoonga Watchtower RAIBHURARI YEPAINDANETI
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Mashoko Akafanana
  • Nzvimbo Yedu Yepamutemo Inobudisirwa Mashoko paIndaneti—Ishandise Pakudzidza Uri Oga Uye Pakudzidza Semhuri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Tingabatsirwa Sei neRaibhurari yepaImba yeUmambo?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Bhuku Idzva Rinobatsira Pakutsvakurudza
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Uri Kushandisa JW Library Here?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
yb14 pp. 18-19
Mufananidzo uri papeji 18

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Vanoonga Watchtower RAIBHURARI YEPAINDANETI

Musi wa28 June 2013, jw.org yaiva nechiziviso chokuti Watchtower RAIBHURARI YEPAINDANETI yakanga yava kuwanika mumitauro 100. Watchtower RAIBHURARI YEPAINDANETI inoita kuti munhu akwanise kutsvakurudza sezvaanoita paWatchtower Library, inowanika paCD-ROM. Inogonawo kushandiswa pamidziyo yakawanda inoenda paIndaneti, yakadai sekombiyuta kana kuti laptop, tablet, kana kuti smartphone. Zvinyorwa zvakawanda zviri paraibhurari yacho zvine misi inobvira mugore ra2000 zvichienda mberi. Panewo Shanduro yeNyika Itsva uye Insight on the Scriptures mumitauro yakawanda. Pakanzi Tsvaga panogona kushandiswa kutsvaka shoko, chikamu chemashoko, kana kuti mashoko anoenderana, sezvinogona kuitwa paWatchtower Library. Uchishandisa raibhurari iyi yepaindaneti, unogona kutsvakurudza magwaro kana kuti mashoko mune mumwe mutauro wobva waita kuti zvaunenge watsvakurudza zvacho zvibudewo mune mumwe mutauro panguva imwe chete. Aya ndemamwe mashoko okuonga raibhurari iyi inobatsira zvikuru pakutsvakurudza:

“Ndinokutendai zvikuru neWatchtower RAIBHURARI YEPAINDANETI. Ndakafara chaizvo pandakaona raibhurari iyi itsva inobatsira pakudzidza. Handina kana karuzivo zvako nezvekugadzira mapurogiramu ekombiyuta kana kuti zveWeb design, asi ndinonyatsoona kuti raibhurari iyi ndeyemhando yepamusoro. Zvinonyatsoratidza kuda kwamunoita muvakidzani, hama dzenyu, uye Jehovha. Kugadzirwa kweWatchtower RAIBHURARI YEPAINDANETI kunonyatsoratidza kuti mune hanya. Handina kumbobvira ndafunga kuti ndaizowana chipo chakanaka zvakadai chinoratidza rudo uye rupo kubva kuna Baba vangu vokudenga, Jehovha. Ndinokutendai zvikuru.”​—A., Argentina.

“Zvandishamisa chaizvo! Nhasi masikati ndaenda paWatchtower RAIBHURARI YEPAINDANETI, uye pamitauro mitsva yanga iripo panga painewo Haitian Creole. Handina kumbobvira ndafunga kuti izvi zvaizoitika. Zviri pachena kuti kubva mutsamba ino munogona kuona kuti ndiri kutopererwa nemashoko. Dai Jehovha akakomborera zvose zvamuri kuita, uye dai mudzimu wake mutsvene ukaramba uchikutungamirirai.”​—D.C., United States.

Girafu riri papeji 19
    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe