Nzvimbo Yedu Yepamutemo Inobudisirwa Mashoko paIndaneti—Ishandise Paunenge Uchiita Ushumiri
Kurudzira Vanhu Kuti Vashandise Nzvimbo Yedu yepaIndaneti: Vanhu vanotya kutaura nesu kana kuti kugamuchira mabhuku vanoda kuongorora nezveZvapupu zvaJehovha nokutarisa pajw.org mudzimba dzavo vasingaonekwi nevamwe. Saka udza vanhu nezvenzvimbo iyi pose paunowana mukana.
Pindura Mibvunzo: Dzimwe nguva saimba, munhu anofarira, kana kuti watinozivana naye angabvunza mubvunzo pamusoro peZvapupu zvaJehovha kana zvatinotenda. Ibva wamuratidza mhinduro yacho pafoni yako kana kuti pakombiyuta. Kazhinji zvakanyanya kunaka kuti uverenge magwaro aripo kubva muBhaibheri chairo. Kana usina mudziyo unobata Indaneti, mutsanangurire mashandisiro aangaita jw.org kuti awane mhinduro.—Enda pakanzi “Bible Teachings/Bible Questions Answered” kana kuti “About Us/Frequently Asked Questions.”
Tumira Nyaya Kana Kuti Bhuku Kumunhu Waunoziva: Paunotumira e-mail unogona kubva watumira pamwe chete nePDF kana kuti EPUB yebhuku raunenge wakopa. Kana kuti kopa mashoko akarekodhwa ebhuku aunenge uchida wobva wazviisa paCD. Pose paunopa munhu bhuku rine mapeji ose repaIndaneti, bhurocha, kana kuti magazini, unogona kushuma kuti wagovera bhuku. Ita kuti vanhu vaunotumira vazive kuti ndiwe watumira uyewo usatumira zvinhu zvakawandisa. Haufaniri kuzviisa (upload) pane chero Web site ipi zvayo paIndaneti.—Enda pakanzi “Mabhuku.”
Ratidza Vanhu Nhau Dzichangobuda Dzinotaura nezveZvapupu zvaJehovha: Izvi zvinobatsira vari kudzidza Bhaibheri uye vamwe vaunoshanyira kuti vanzwisise kukura kwakaita basa redu riri kuitwa pasi rose uye kubatana kwedu sevaKristu. (Pis. 133:1)—Enda pakanzi “News.”
[Mufananidzo uri papeji 5]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Mashandisiro
1 Pasi pemusoro wakanzi “Mabhuku,” tsvaka chinhu chaunoda kukopa, uye baya bhatani rinoratidza zvaunoda zvakaita zvokunyorwa kana kuti kurekodhwa.
2 Baya pakanzi MP3 kuti uone nyaya dzakasiyana-siyana. Baya musoro wenyaya kuti ukope nyaya yacho kana ▸ kuti uiteerere paIndaneti.
3 Sarudza mumwe mutauro apa, kana uchida kukopa bhuku remumwe mutauro.