Tevedzerai Vaprofita—Nahumi
1. Tinodzidzei mubhuku raNahumi?
1 Matongo eNinivhi uchapupu hwokuti Jehovha anotsiva vavengi vake sezvakaprofitwa naNahumi, zvokuti kunyange vaya vanotyisa chaizvo havagoni kumirisana naye. (Nah. 1:2, 6) Tikaongorora uprofita hwaNahumi tinowana zvidzidzo zvinogona kutibatsira muushumiri.
2. Tingaita sei kuti mashoko edu arambe achikurudzira?
2 Taura Mashoko Anonyaradza Uye Anopa Tariro: Paunongotanga kuona bhuku raNahumi, zvinoita sokuti rinongozivisa nezvekuparadzwa kwaizoitwa Ninivhi, guta guru reAsiriya raiva nevanhu vaidada. (Nah. 1:1; 3:7) Asi mashoko aya akafarirwa nevanhu vaJehovha. Zita rokuti Nahumi rinoreva kuti “Munyaradzi.” Nahumi akasimbisa vamwe vaJudha achivaudza kuti muvengi wavo akanga ava kuda kuparadzwa! Akasimbisazve kuti Jehovha “inhare muzuva rokutambudzika.” (Nah. 1:7) Patinoparidza, tinenge tichiudzawo vamwe mashoko akanaka, tichivakurudzira kupotera kuna Jehovha.—Nah. 1:15.
3. Tingatevedzera sei Nahumi pakushandisa mienzaniso kana kuti mifananidzo?
3 Shandisa Mienzaniso Uye Mifananidzo: Achifemerwa naJehovha Nahumi akafananidza kuparadzwa kwaizoitwa guta reNinivhi nekuparadzwa kwakaitwa guta rekuIjipiti rainzi No-amoni parakarwiswa neAsiriya. (Nah. 3:8-10) Patinotaura nevanhu nezvekuguma kwenyika ino yakaipa, tinogona kunyatsojekesa uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti Jehovha anozadzisa zvose zvaakapikira. Somuenzaniso, vaBhabhironi nevaMedhiya pavakarwisa guta reNinivhi muna 632 B.C.E., kunaya kwakaita mvura zvakasimba kwakaita kuti rwizi rwaTigirisi rwufashukire, rukakoromora chikamu chemasvingo eguta ainge akasimba. Guta racho rakabva rangopambwa sezvakanga zvataurwa naJehovha.—Nah. 1:8; 2:6.
4. Patinenge tiri mushumiri, tingaita sei kuti zvatinotaura zvijeke uye zvinzwisisike?
4 Taura Zvakajeka Uye Zvinonzwisisika: Nahumi paainyora ainyatsotsanangura achiita seari kudetemba. Zvaaitaura zvainge zvakajeka. (Nah. 1:14; 3:1) Saizvozvowo tinofanira kushandisa mashoko ari nyore kunzwisisa. (1 VaK. 14:9) Paunoona munhu kekutanga, taura zvawafambira. Paunodzidza Bhaibheri nevanhu, vabatsire kuti vatende muna Jehovha neShoko rake uye kuti vaone kuti vangashandisa sei mashoko acho muupenyu hwavo.—VaR. 10:14.
5. Tinovimbiswei muuprofita hwaNahumi?
5 Mubhuku reBhaibheri raNahumi, tinoona kuti aivimba zvizere kuti Jehovha haambotadzi kuzadzisa shoko rake. Sezvo nyika yaSatani yava kuguma, tinonyaradzwa nemashoko aMwari anoti: “Kutambudzika hakuzomukizve kechipiri.”—Nah. 1:9.