Mharidzo Dzokuenzanisira
Nharireyomurindi February 1
“Tiri kupa munhu mumwe nemumwe wemunharaunda ino pepa iri. Rinotsanangura kubatsira kunoita Bhaibheri. Renyuwo iri. [Tambidza saimba turakiti raUnoona Sei Bhaibheri?] Vamwe havana chokwadi kuti Bhaibheri rine mazano anogona kuvabatsira pabasa ravo. Chimboonai kuti ndima iyi inotii panyaya yebasa. [Verengai Muparidzi 3:13.] Magazini ino inotsanangura zvinotaurwa neBhaibheri zvingatibatsira kuti tifare pabasa ratinoita. Mungada kuzoiverenga here?”
Awake! February
“Tiri kushanyira vavakidzani vedu kwenguva pfupi kuti tivaratidze Awake! yemwedzi uno. Inopindura mubvunzo uyu unoita kuti tide kuziva. [Muratidze kavha yacho.] Ndingada kunzwawo zvamunofunga nezverugwaro urwu rwuri mumagazini ino. [Verengai Zvirevo 29:11.] Munofunga kuti izvi zvinoshanda here mazuva ano? [Rega apindure.] Magazini ino inotsanangura magwaro mana uye kubatsira kwaanoita kana tikatevedzera zvaanotaura.”