Mharidzo Dzokuenzanisira
Nharireyomurindi December 1
“Tiri kushanya kwenguva pfupi kuti titsanangure pfungwa isiri kunzwisiswa nevakawanda nezveBhaibheri. Vakawanda vanoremekedza Bhaibheri, asi vanofunga kuti rakaoma chaizvo kunzwisisa. Ko imi munoriona sei? [Rega apindure.] Onai chimwe chikonzero chinoita kuti tide kunzwisisa Bhaibheri. [Verenga VaRoma 15:4.] Magazini ino inotsanangura kuti nei tichiti Bhaibheri rakanyorwa kuti vanhu varinzwisise. Inotaurawo zvingatibatsira kuti tirinzwisise.”
Awake! December
“Takushanyirai kwenguva pfupi kuti tikuudzei mashoko atiri kuudza mhuri dzose. Munhu wose anoda kuti pamba pave nerunyararo nekunzwanana. Munofunga kuti ndezvipi zvine musoro zvinogona kuitwa nemhuri—dzinofanira kuedza kuita kuti pasatombova nekusawirirana here kana kuti dzinofanira kudzidza zvadzingaita kana paine kusawirirana? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa nechirevo ichi cheBhaibheri. [Verenga Zvirevo 26:20.] Magazini ino inotaura mazano emuBhaibheri anobatsira kuti mumhuri muwedzere kuva nerunyararo.”