KURARAMA KWECHIKRISTU
“Pauro Akaonga Mwari, Akashinga”
Ungano yaiva muRoma payakanzwa kuti Pauro ainge ari munzira, dzimwe hama dzakafamba makiromita 64 kuti dzinosangana naye. Pauro akanzwa sei paakaona rudo rwakadzama rwaiva nehama idzi? “Paakadziona, akaonga Mwari, akashinga.” (Mab 28:15) Kunyange zvazvo Pauro aizivikanwa nekukurudzira ungano dzaaishanyira, iye zvino paakanga ari musungwa, ndiye akakurudzirwa.—2VaK 13:10.
Mazuva ano, vatariri vematunhu vanoshanyira ungano imwe neimwe vachikurudzira hama nehanzvadzi. Sezvinongoitawo vanhu vaMwari vese, dzimwe nguva vanomboneta, vanombonetsekawo nematambudziko eupenyu uye vanomboora mwoyo. Mutariri wedunhu nemudzimai wake pavachashanyira ungano yenyu, zvii zvaungaita kuti uvasimbise kuitira kuti ‘mukurudzirane?’—VaR 1:11, 12.
Tsigira misangano yebasa remumunda. Mutariri wedunhu anokurudzirwa kana vaparidzi vakaita zvese zvavanogona kuti vanyatsobatsirwa nezvinenge zvakarongwa muvhiki raanoshanya. (1VaT 1:2, 3; 2:20) Unogona kuita upiyona hwebetsero mumwedzi waanoshanya. Unogona kunyoresa kuti ushande naye nemudzimai wake muushumiri kana kuenda nemumwe wavo kuchidzidzo cheBhaibheri. Vanofarawo nekushanda nevaparidzi vakasiyana-siyana, kusanganisira vatsva kana kuti vaya vanenge vasati vava neunyanzvi pakuita basa rekuparidza.
Vakoke kumba kwako. Unogona kuvakoka kuti vagare kumba kwako kana kuti vauye kuzodya. Izvi zvinoratidza kuti unoda mutariri wedunhu nemudzimai wake. Havatarisiri kuti uvaitire zvinhu zvemaoresa.—Ru 10:38-42.
Teerera mazano aanopa uye ashandise. Mutariri wedunhu anotibatsira kuona kuti zvii zvatingaita kuti tivandudze kushumira kwatinoita Jehovha. Dzimwe nguva, anofanira kutotipa zano rakasimba. (1VaK 5:1-5) Anofara chaizvo patinoteerera uye patinozviisa pasi.—VaH 13:17.
Vatende. Tenda mutariri wedunhu nemudzimai wake nekukubatsira kwavakakuita. Unogona kuvaudza kana kuita zvekuvanyorera tsamba kana kadhi.—VaK 3:15.