Kukurudzirana
1. Kushanya kunoita vatariri vanofambira kunotipa mikana ipi inokosha?
1 Muapostora Pauro akanyorera ungano yaiva muRoma kuti: “Ndiri kusuwa kukuonai, kuti ndikupei chipo chomudzimu kuti musimbiswe; kana kuti, panzvimbo paizvozvo, kuti tikurudzirane, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.” (VaR. 1:11, 12) Nhasiwo kushanya kunoita vatariri vanofambira kunotipa mikana yokuti tikurudzirane.
2. Nei kuuya kwemutariri wedunhu kuchiziviswa pachiine nguva?
2 Ungano: Kazhinji ungano inoziviswa pachiine inenge mwedzi mitatu nezvokuuya kwemutariri wedunhu. Izvi zvinotipa nguva yokugadzirisa zvatakaronga kuti tizobatsirwa zvizere. (VaEf. 5:15, 16) Kana uchienda kubasa, zvimwe uchakwanisa kukumbira nguva yokuti utsigirewo basa romumunda vhiki iyoyo. Vamwe vanoronga kuti vave mapiyona ebetsero mumwedzi uyu. Kana wanga wakaronga rwendo, zvinoita here kuti ugadzirise zvawakaronga kuti uvepo vhiki iyi?
3. Chii chatingaita panoshanya mutariri wedunhu kuti tikurudzirwe?
3 Chinangwa chikuru chekuuya kwemutariri wedunhu ndechokuti akurudzire uye adzidzise vamwe basa romumunda. Ungakumbira kushanda naye here kana nomudzimai wake kana akaroora? Mutariri wedunhu anonakidzwa nokushanda nevaparidzi vakasiyana-siyana, kusanganisira vaya vane ruzivo rushoma kana kuti vasina unyanzvi. Vose vanogona kudzidza kubva kumharidzo dzake uye kushandisa mamwe mazano omutsa aangapa. (1 VaK. 4:16, 17) Kumukoka kuzodya kuchazarura mimwe mikana yokukurudzirana. (VaH. 13:2) Sezvo hurukuro dzake dzichienderana nezvinodiwa muungano, nyatsoteerera.
4. Tingakurudzira sei mutariri wedu wedunhu?
4 Mutariri Wedunhu: Muapostora Pauro akanga asina kusiyana nehama dzaaishumira. Aisanganawo nezvaimunetsa uye kuzvidya mwoyo, izvi zvaiita kuti ade kukurudzirwa uye aizvionga. (2 VaK. 11:26-28) Ungano yekuRoma payakaziva kuti Pauro, uyo akanga ava musungwa, akanga ave kuuya ikoko, dzimwe hama dzakaita rwendo rwemakiromita 74 dzichienda kuMusika weApiyo kunosangana naye. “Pauro paakadziona, akaonga Mwari, akashinga.” (Mab. 28:15) Nemiwo munogona kukurudzira mutariri wenyu wedunhu saizvozvo. ‘Mukudzei zvakapetwa kaviri,’ nokumutsigira nomwoyo wose paanokushanyirai. (1 Tim. 5:17) Taurai uye ratidzai nezviito kuti munoonga zvaari kukuitirai. Iye nomudzimai wake vachafara pavachaona kutenda kwenyu, rudo rwenyu uye kutsungirira kwenyu.—2 VaT. 1:3, 4.
5. Nei tose zvedu tichida kukurudzirwa nhasi?
5 ‘Munguva dzino dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,’ ndiani asingadi kukurudzirwa? (2 Tim. 3:1) Sarudza iko zvino kuti uvepo uye ushande nomutariri wedunhu muvhiki inokosha yebasa. Tose zvedu, vatariri vanofambira uye vaparidzi, tinogona kukurudzirana towana mufaro. Kana tikadaro ‘ticharambawo tichinyaradzana nokuvakana.’—1 VaT. 5:11.