RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb19 February p. 3
  • Unoona Unhu hwaMwari Pazvinhu Zvaakasika Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoona Unhu hwaMwari Pazvinhu Zvaakasika Here?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Mashoko Akafanana
  • The Wonders of Creation Reveal God’s Glory
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Dzidza Zvakawanda nezvaJehovha Kubva Pazvinhu Zvaakasika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Shandisai Zvinhu Zvakasikwa Kuti Mudzidzise Vana Venyu nezvaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Sei Rudo rwaMwari?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
mwb19 February p. 3

KURARAMA KWECHIKRISTU

Unoona Unhu hwaMwari Pazvinhu Zvaakasika Here?

Paunotarisa ruva rine mavara anoyevedza, denga rakazara nenyeredzi, kana mapopoma emvura, unoona mabasa eMusiki here? Zvinhu zvakasikwa zvinotiratidza unhu hwaJehovha. (VaR 1:20) Tinoonawo simba rake, rudo rwake, uchenjeri, kururama uye rupo rwaainarwo.​—Pis 104:24.

Ndezvipi zvaakasika zvaunoona zuva nezuva? Kunyange uchigara mutaundi, unogona kuona shiri nemiti. Kunyatsotarisa zvaakasika kunoita kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo, tiise pfungwa pazvinhu zvinonyanya kukosha uye tiwedzere kuva nekutenda kwekuti Jehovha acharamba achitipa zvatinoda pakurarama. (Mt 6:25-32) Kana muine vana, vabatsirei kuona unhu hwakanaka huna Jehovha. Patinowedzera kufarira zvinhu zvakasikwa, tichawedzerawo kuva pedyo neMusiki.​—Pis 8:3, 4.

ONA VHIDHIYO INONZI ZVINHU ZVAKASIKWA ZVINORATIDZA UKURU HWAMWARI​—CHIEDZA UYE RUVARA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chii chinotibatsira kuti tione ruvara rwechinhu?

  • Chii chinokonzera kuti kana ukatarisa chimwe chinhu nerimwe divi uone rumwe ruvara asi kana ukazochitarisa nerimwe racho uone rumwe ruvara rwakasiyana?

  • Chii chinoita kuti dzimwe nguva denga ringe riri reblue uye dzimwe nguva rakatsvukuruka?

  • Mavara api aunoona pazvinhu zvakasikwa kwaunogara?

  • Nei tichifanira kuva nenguva yekunyatsotarisa zvinhu zvakasikwa?

Ruva repink, bhatafurayi reblue, muchero une mavara akasiyana-siyana, zuva riri kunyura

Chiedza uye mavara atinoona pazvinhu zvakasikwa zvinoratidzei nezveunhu hwaJehovha?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe