The Wonders of Creation Reveal God’s Glory
Vanhu vakawanda vanonakidzwa nokuona zvinhu zvakasikwa. Asi vamwe havazivi kuti pavanenge vachishamiswa kudaro, vanenge vari kutoona ukuru uye uchenjeri hwoMusiki wedu Mukuru. (VaR. 1:20) Makare kare, Dhavhidhi akaverenga Shoko raMwari rakafuridzirwa kuti azive kuti Mwari munhu akaita sei. Haana kugumira ipapo, ‘akaonawo’ zvinhu zvakasikwa, zvichibva zvaita kuti aswedere pedyo naye. (Pis. 8:3, 4) Vhidhiyo inonzi The Wonders of Creation Reveal God’s Glory inobatsira isu, vana vedu uye vatinodzidza navo Bhaibheri kuti vaone zvinhu zvakasikwa naJehovha uye unhu hwake uye izvi zvinoita kuti tive neukama hwakasimba neMusiki wedu. Kana wapedza kuiona edza kupindura mibvunzo inotevera.
(1) Ukuru uye kurongeka kwezvinhu zvakasikwa zvatinoona zvinodzamisa sei kuda kwaunoita Jehovha? (Isa. 40:26) (2) Patinoongorora magadzirirwo akaitwa mvura, zvii zvatingadzidza nezvemunhu akaigadzira? (Zvak. 14:7) (3) Ukuru hwenyika uye daro rayo kubva kuzuva zvinoratidza chii nezveuchenjeri hwaJehovha? (4) Basa remwedzi nderei? (Pis. 89:37) (5) Zvii zvinoratidza kuti Jehovha akasika vanhu kuti vanakidzwe neupenyu? (6) Chii chinonzi DNA? (Pis. 139:16) (7) Zvinhu zvose zvakasikwa naJehovha panyika pano, zvakasiyana nevanhu pakudii? (Gen. 1:26) (8) Zvii zvaunoda kuzoita kana kuona munyika itsva?
Zvimwewo Zviripo: (9) Ruvara (colour) rwunobva kupi? (10) Zvinofamba sei kuti mvura ikwire nomuti kusvika kumusorosoro? (11) Mvura inoita basa rei mumuviri yedu? (12) Ipa mienzaniso inoratidza kudyidzana kunoita zvinhu zvipenyu. (13) Zvisikwa zvinosarudza sei shamwari? (14) Chii chinonzi “golden angle,” uye zvinhu zvakasikwa zvinoratidza sei kuti zvinotevedzera urongwa uhwu?
“Nyatsocherechedza” Zvinhu Zvakasikwa naJehovha: Jesu akatikurudzira kuti ‘tinyatsocherechedza shiri dzokudenga’ uye ‘tidzidze kumaruva omusango.’ (Mat. 6:26, 28) Kuita izvozvo kunogona kudzamisa kutenda kwedu, kusimbisa chivimbo chokuti Musiki ariko uye kuziva kuti Jehovha ane uchenjeri, simba rokudzivirira uye rudo. Panzvimbo pokupedza nguva uchitsauswa nezvinhu zvenyika, iva nenguva yokuona zvinhu zvinoshamisa zvakasikwa naJehovha uye ona kuti zvinokudzidzisei nezvaMwari wedu.—Pis. 19:1.