KURARAMA KWECHIKRISTU
Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidza Nefoni
NEI ZVICHIKOSHA? Kuparidza nefoni inzira inokosha yekupa “uchapupu hwakasimba hwemashoko akanaka.” (Mab 20:24)a Kunoita kuti tikwanise kuparidzira vanhu vatisingakwanisi kuonana navo pamusana pezvimwe zvikonzero.
MAITIRWO AZVO:
Gadzirira. Sarudza nyaya ingangofarirwa nemunhu wacho. Nyora pasi pfungwa huru dzaunoda kuzotaura. Unogona kugadzirirawo mashoko mashoma ekutsanangura kuti nei wanga wafona, aunogona kuzotaura kana foni yemunhu wacho iri pavoicemail. Paunofona, zvakanaka kuti unge uine pepa rawakanyora pfungwa huru, nezvimwewo zvinhu zvaungada kuzoshandisa zvakadai setablet, wogara wavhura JW Library® kana kuti jw.org®
Taura wakadzikama. Taura sezvaunoita mazuva ese. Nyemwerera kana kuti fambisa maoko nedzimwe nhengo dzemuviri sekunge uri kutoona munhu wacho. Usangoerekana wamira kutaura pasina chikonzero. Zvakanaka kuti unge uine vamwe paunenge uchifona. Kana saimba akabvunza mubvunzo, dzokorora mubvunzo wacho zvinonzwika kuitira kuti mumwe wako akubatsire kutsvaga mhinduro
Siya pekutangira. Kana munhu wacho akaratidza kufarira, unogona kusiya mubvunzo waunozopindura paunozomufonera zvakare. Unogona kumuudza nezvebhuku kana magazini, uye kana achida unogona kuzomutumira pafoni kana kumuendesera. Unogonawo kumutumira vhidhiyo kana imwe nyaya. Kana zvichiita unogona kumuudza nezvechimwe chinhu chiri pajw.org
a Kana kuparidza nefoni kuchibvumirwa mundima yenyu, ivai nechokwadi chekuti maita zvinoenderana neMutemo Wemachengeterwo Emashoko Emuridzi.