RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb20 November p. 7
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidza Nefoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidza Nefoni
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Kupupura Norunhare Kunobudirira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Kupupurira Norunhare Kunogona Kubudirira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kusiya Pokutangira Patinozodzoka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • “Ndamushaya Zvakare!”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
mwb20 November p. 7
Mapikicha: Hama yechidiki iri kuparidza nefoni neimwe mhuri yechikuru. 1. Hama yacho iri kutaura pafoni nemumwe murume. 2. Murume wacho ari kuteerera zvaari kuparidzirwa.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri​—Kuparidza Nefoni

NEI ZVICHIKOSHA? Kuparidza nefoni inzira inokosha yekupa “uchapupu hwakasimba hwemashoko akanaka.” (Mab 20:24)a Kunoita kuti tikwanise kuparidzira vanhu vatisingakwanisi kuonana navo pamusana pezvimwe zvikonzero.

MAITIRWO AZVO:

  • Hama iya yechidiki iri kugadzirira kuparidza nefoni. Iri kutsvaga mavhesi ekushandisa yoanyora pasi.

    Gadzirira. Sarudza nyaya ingangofarirwa nemunhu wacho. Nyora pasi pfungwa huru dzaunoda kuzotaura. Unogona kugadzirirawo mashoko mashoma ekutsanangura kuti nei wanga wafona, aunogona kuzotaura kana foni yemunhu wacho iri pavoicemail. Paunofona, zvakanaka kuti unge uine pepa rawakanyora pfungwa huru, nezvimwewo zvinhu zvaungada kuzoshandisa zvakadai setablet, wogara wavhura JW Library® kana kuti jw.org®

  • Hama yechidiki iri kubatsira hama yechikuru pairi kutaura nemumwe munhu pafoni.

    Taura wakadzikama. Taura sezvaunoita mazuva ese. Nyemwerera kana kuti fambisa maoko nedzimwe nhengo dzemuviri sekunge uri kutoona munhu wacho. Usangoerekana wamira kutaura pasina chikonzero. Zvakanaka kuti unge uine vamwe paunenge uchifona. Kana saimba akabvunza mubvunzo, dzokorora mubvunzo wacho zvinonzwika kuitira kuti mumwe wako akubatsire kutsvaga mhinduro

  • Hama iya yechidiki iri kutumira munhu link yevhidhiyo iri pajw.org.

    Siya pekutangira. Kana munhu wacho akaratidza kufarira, unogona kusiya mubvunzo waunozopindura paunozomufonera zvakare. Unogona kumuudza nezvebhuku kana magazini, uye kana achida unogona kuzomutumira pafoni kana kumuendesera. Unogonawo kumutumira vhidhiyo kana imwe nyaya. Kana zvichiita unogona kumuudza nezvechimwe chinhu chiri pajw.org

a Kana kuparidza nefoni kuchibvumirwa mundima yenyu, ivai nechokwadi chekuti maita zvinoenderana neMutemo Wemachengeterwo Emashoko Emuridzi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe