“Ndamushaya Zvakare!”
Wakambotaura mashoko akadaro nezvemunhu ainge afarira here? Kunyange zvazvo wakamboedza kuramba uchidzoka kuti uone munhu wacho, hausi kukwanisa kudiridza mbeu yechokwadi yawakadyara. (1 VaK. 3:6) Dzimwe nguva vaparidzi vane unyanzvi vanotumira tsamba munhu wavanenge vashaya pamba, kana kuti vanonyora katsamba vokanda pasi pedhoo remunhu wacho. Vamwe vaparidzi vanoziva kuti vanogona kuzoshaya munhu anenge afarira pavanodzoka, saka vanomukumbira nhamba dzake dzefoni. Vangamubvunza kuti, “Ndinogona kuzokutumirai meseji here?” Tinogona kunyora kuti tadzokerera kana tashanyirazve munhu wacho kana kuti tamuparidzira tichishandisa tsamba, e-mail, meseji, katsamba katinokanda pasi pedhoo, kana kuti taita zvekufona. Kunyange zvazvo asingawanzowaniki pamba, tinogona kuita kuti arambe achifarira.