PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Jehovha Akaita Zvaisatarisirwa Nevanhu
Pane imwe nguva yakwaiva nenzara, Jehovha akataura kuti mangwana acho kwaizova nezvekudya zvakawanda (2Mad 7:1; it-1-E 716-717)
Mumwe murume wechiIsraeri aishanda mumuzinda wamambo akashora zvakanga zvataurwa naJehovha achifunga kuti zvaisazoitika (2Mad 7:2)
Jehovha akaita zvakanga zvisingatarisirwi nevanhu (2Mad 7:6, 7, 16-18)
Jehovha akati nyika ino ichaparadzwa pakarepo vanhu vasingazvitarisiri (1VaT 5:2, 3) Nei zvichikosha kuti titende zvinotaurwa naJehovha?