PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Mwoyo Murefu waJehovha Une Paunogumira
Jehovha akarega vaAsiriya vachikunda vaIsraeri (2Mad 17:5, 6; w05 11/15 29 ¶16)
Jehovha akaranga vanhu vake nekuti vairamba vachimugumbura (2Mad 17:9-12; w12 4/1 10¶2; w01 11/1 10¶10)
Jehovha akaitira vaIsraeri mwoyo murefu uye akavayambira kakawanda (2Mad 17:13, 14)
Baba vedu vekudenga vane rudo vanotiratidza mwoyo murefu. (2Pe 3:9) Asi kuti azadzise chinangwa chake, Jehovha achatofanira kuparadza vanhu vakaipa uye kwasara nguva pfupi. Kuziva izvi kungatibatsira sei kuti titeerere patinotsiurwa uye kuti tiite basa rekuparidza tichiziva kuti nguva yapera?