PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Jehovha Anogona Kukubatsira Kuita Mabasa Akaoma
VaRevhi vaishanda sevarindi vepamagedhi vaiva nebasa rakakura (1Mak 9:26, 27; w05 10/1 9 ¶8)
Mumazuva aMozisi, Finiyasi ndiye aiva mutungamiriri wevarindi vepamagedhi epatebhenekeri (1Mak 9:17-20a)
Jehovha akabatsira Finiyasi kuita basa rake nemazvo (1Mak 9:20b; w11 9/15 32 ¶7)
Jehovha anotipa mabasa akawanda anokosha. Kana usina chokwadi chekuti woita sei basa raunenge rapiwa, nyengetera kuna Jehovha uye kumbira kubatsirwa nemuKristu akakura pane zvekunamata.—VaF 2:13.