PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Usatevedzera Erifazi Paunenge Uchinyaradza Vamwe
Erifazi akaudza Jobho kuti vanhu havambofi vakakwanisa kufadza Mwari (Job 15:14-16; w05 9/15 26 ¶4-5)
Erifazi aireva kuti Jobho aitambura nemhaka yekuti aiva munhu akaipa (Job 15:20)
Mashoko aErifazi haana kunyaradza Jobho (Job 16:1, 2)
Mashoko akataurwa naErifazi kuna Jobho ndeenhema. Jehovha anokoshesa zvatinoita pakumushumira. (Pis 149:4) Kunyange vanhu vakarurama vanogona kutarisira kuti vachasangana nematambudziko.—Pis 34:19.
ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: ‘Tinganyaradza sei vaya vakaora mwoyo’?—1VaT 5:14; w15 2/15 9 ¶16.