NYAYA YEKUDZIDZA 49
Jehovha Achapindura Minyengetero Yangu Here?
“Muchandishevedza mouya kuzonyengetera kwandiri, uye ini ndichakuteererai.”—JER. 29:12.
RWIYO 41 Inzwaiwo Munyengetero Wangu
ZVICHADZIDZWAa
1-2. Nei tinganzwa sekuti Jehovha haasi kupindura minyengetero yedu?
“WANA mufaro mukuru muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodiwa nemwoyo wako.” (Pis. 37:4) Iyi ivimbiso yakazonaka! Asi tinofanira kutarisira kuti Jehovha atipe zvese zvatinomukumbira ipapo ipapo here? Nei tingabvunza mubvunzo iwoyo? Funga nezvemienzaniso inotevera. Hanzvadzi isina kuroorwa inonyengeterera kuti ikokwe kuChikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo. Asi panopfuura makore akawanda isina kukokwa. Hama yechidiki inonyengetera kuna Jehovha kuti ipore pachirwere chinoitambudza kuitira kuti ikwanise kuita zvakawanda muungano. Asi inoramba ichirwara. Vabereki vechiKristu vanonyengeterera kuti mwana wavo arambe ari muchokwadi. Asi mwana wacho anosarudza kurega kushumira Jehovha.
2 Zvimwe unewo zvawakakumbira Jehovha asi hausati wazvipiwa. Izvi zvinogona kuita kuti utange kuona sekuti Jehovha anopindura minyengetero yevamwe kwete yako. Kana kuti ungatanga kufunga kuti une chimwe chinhu chisina kunaka chawakaita. Imwe hanzvadzi inonzi Janiceb yakanzwa saizvozvo. Iye nemurume wake vakanyengetera kuna Jehovha vachimuudza nezvechido chavo chekushumira paBheteri. Janice anoti: “Ndaiva nechokwadi chekuti munguva pfupi taizova paBheteri.” Asi mwedzi yakapindana kusvikira ava makore, uye murume nemudzimai ava vakanga vasina kukokwa. Janice anoti: “Ndakarwadziwa uye ndakavhiringidzika. Ndainetseka kuti chii chandakanga ndaita chakagumbura Jehovha. Ndakanga ndanyengetera kakawanda nezvekuenda kuBheteri. Nei Jehovha akanga asina kupindura munyengetero wangu?”
3. Tichakurukurei munyaya ino?
3 Dzimwe nguva tingava nemubvunzo wekuti Jehovha ari kuteerera minyengetero yedu here kana kuti kwete. Kunyange vamwe vanhu vakatendeka vekare vainzwawo saizvozvo. (Job. 30:20; Pis. 22:2; Hab. 1:2) Chii chingaita kuti uve nechokwadi chekuti Jehovha achapindura minyengetero yako? (Pis. 65:2) Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tinofanira kutanga tapindura mibvunzo inotevera: (1) Chii chatinogona kutarisira kuna Jehovha? (2) Jehovha anotarisira kuti tiitei? (3) Nei tingafanira kuchinja zvimwe zvinhu zvatinonyengeterera?
CHII CHATINOGONA KUTARISIRA KUNA JEHOVHA?
4. Maererano naJeremiya 29:12, Jehovha anovimbisa kuitei?
4 Jehovha anovimbisa kuteerera minyengetero yedu. (Verenga Jeremiya 29:12.) Mwari wedu anoda vanamati vake vakatendeka, saka haangamboregi kunzwa minyengetero yavo. (Pis. 10:17; 37:28) Asi izvi zvinoreva here kuti achatipa zvese zvatinomukumbira? Tingatofanira kumirira kusvikira munyika itsva kuti atipe zvimwe zvinhu zvatinokumbira.
5. Jehovha anotarisei paanoteerera minyengetero yedu? Tsanangura.
5 Jehovha anotarisa kuti minyengetero yedu inopindirana papi nechinangwa chake. (Isa. 55:8, 9) Chinangwa chake chinosanganisira kuti nyika izare nevanhu vanomuteerera nemwoyo wese seMutongi wavo. Asi Satani anoti kana vanhu vakazvitonga zvinovafambira zvakanaka. (Gen. 3:1-5) Kuti aratidze kuti zvinotaurwa naDhiyabhorosi inhema, Jehovha akabvumira vanhu kuti vazvitonge. Asi kutonga kwevanhu kuri kukonzera matambudziko akawanda atiri kusangana nawo mazuva ano. (Mup. 8:9) Tinoziva kuti Jehovha haasi kuzobvisa matambudziko ese aya panguva ino. Kudai aizoita izvozvo, vamwe vanhu vangafunga kuti kutonga kwevanhu kwakanaka uye kuti kunokwanisa kugadzirisa matambudziko evanhu.
6. Nei tichifanira kuva nechokwadi chekuti Jehovha achagara achiita zvinhu nerudo uye nekururama?
6 Jehovha anogona kupindura zvikumbiro zvakafanana asi achizviita nenzira dzakasiyana. Semuenzaniso, Mambo Hezekiya paakarwara zvakanyanya, akateterera kuna Jehovha achimukumbira kuti amubatsire kupora. Jehovha akabva amuporesa. (2 Madz. 20:1-6) Asi muapostora Pauro paakakumbira Jehovha kuti amubvisire “munzwa munyama,” uyo ungangodaro waiva kurwara kwaaita, Jehovha haana kubvisa dambudziko racho. (2 VaK. 12:7-9) Fungawo zvakaitika kumuapostora Jakobho uye muapostora Petro. Mambo Herodhi aida kuuraya vese vari vaviri. Ungano yakanyengeterera Petro uye inofanirawo kunge yakanyengeterera Jakobho. Jakobho akaurayiwa, asi Petro akanunurwa nengirozi. (Mab. 12:1-11) Tinogona kunetseka kuti, ‘Nei Jehovha akanunura Petro asi asina kununura Jakobho?’ Bhaibheri harina zvarinotaura nezvazvo.c Tinogona kuva nechokwadi chekuti nzira dzaJehovha ‘dzakarurama.’ (Dheut. 32:4) Uye tinoziva kuti Petro naJakobho vaifarirwa naJehovha. (Zvak. 21:14) Dzimwe nguva Jehovha angasapindura minyengetero yedu nenzira yatinenge tichitarisira. Asi sezvo tiine chokwadi chekuti Jehovha achagara achiita zvinhu nerudo uye nekururama, hatitsutsumwi nezvenzira yaanosarudza kupindura nayo minyengetero yedu.—Job. 33:13.
7. Tinoedza kusaitei, uye nei tichidaro?
7 Tinoedza kusaenzanisa zvinoitika muupenyu hwedu nezvinoitika mune hwevamwe. Semuenzaniso, tinogona kukumbira Jehovha kuti atibatsire neimwe nzira, asi totadza kuwana zvatinenge tanyengeterera. Tinozoziva kuti mumwe munhu akaita chikumbiro chakafanana naichocho uye zvinoita sekuti Jehovha akapindura munyengetero wake. Izvi ndizvo zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Anna. Akanyengetera achikumbira kuti murume wake Matthew apore pakurwara kwaaiita nekenza. Panguva imwe chete paivawo nehanzvadzi mbiri dzechikuru dzairwara nekenza. Anna ainyengeterera chaizvo Matthew pamwe chete nehanzvadzi mbiri idzi. Hanzvadzi dzacho dzakapora, asi Matthew akafa. Anna ainetseka kuti Jehovha ndiye ainge aita kuti hanzvadzi idzi dzipore here. Uye kana zvakadaro nei asina kupindura minyengetero yake yekuti murume wake apore? Hatizivi hedu chakaita kuti hanzvadzi dzacho dzipore. Chatinoziva ndechekuti Jehovha achapedza matambudziko edu ese, uye anoda chaizvo kumutsa shamwari dzake dzakafa.—Job. 14:15.
8. (a) Maererano naIsaya 43:2, Jehovha anotitsigira sei? (b) Kunyengetera kunotibatsira sei patinenge tiri mumatambudziko? (Ona vhidhiyo inoti Munyengetero Unotibatsira Kutsungirira.)
8 Jehovha acharamba achititsigira. Baba vedu vane rudo Jehovha havadi kuona tichirwadziwa. (Isa. 63:9) Kunyange zvakadaro pane mamwe matambudziko avanobvumira kuti tisangane nawo ayo anogona kufananidzwa nenzizi kana kuti nemarimi emoto. (Verenga Isaya 43:2.) Asi anovimbisa kuti achatibatsira kuti ‘tipfuure’ nemo. Uye pasinei nekuti tasangana nematambudziko akaita sei iye zvino, Jehovha achava nechokwadi chekuti tichakwanisa kuramba tichimushumira. Anotipawo mweya wake mutsvene une simba kuti atibatsire kuramba tichitsungirira. (Ruka 11:13; VaF. 4:13) Izvi zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti ticharamba tichiwana zvatinonyatsoda kuti titsungirire uye tirambe takatendeka kwaari.d
JEHOVHA ANOTARISIRA KUTI TIITEI?
9. Maererano naJakobho 1:6, 7, nei tichifanira kuvimba kuti Jehovha achatibatsira?
9 Jehovha anotarisira kuti tivimbe naye. (VaH. 11:6) Dzimwe nguva miedzo yatinosangana nayo ingaita seisingakundiki. Tinogona kutanga kusava nechokwadi kana Jehovha achizotibatsira. Asi Bhaibheri rinoita kuti tive nechokwadi chekuti nesimba raMwari tinogona “kukwira rusvingo.” (Pis. 18:29) Saka pane kuti tirege kusava nechokwadi kwakadaro kuchikura, tinofanira kunyengetera tichitenda zvizere kuti Jehovha achapindura minyengetero yedu.—Verenga Jakobho 1:6, 7.
10. Taura mienzaniso yezvatingaita kuti tiite zvinoenderana neminyengetero yedu.
10 Jehovha anotarisira kuti tiite zvinoenderana neminyengetero yedu. Semuenzaniso, hama inogona kukumbira kubatsirwa naJehovha kuti ibvumirwe kusauya kubasa kuitira kuti ipinde gungano remunharaunda. Jehovha angapindura sei munyengetero iwoyo? Anogona kupa hama yacho ushingi hwekuti itaure newainoshandira. Asi hama yacho inenge ichiri kufanira kuenda kune wainoshandira yonokumbira zvairi kuda. Inogona kutokumbira kakawanda. Inogonawo kutotaura nemumwe wainoshanda nayo ichikumbira kuti vachinjane nguva dzekushanda. Uye kana zvichiita inogona kukumbira kuti isabhadharwa nguva yainenge isiri pabasa.
11. Nei tichifanira kuramba tichinyengeterera zvinhu zvinokosha kwatiri?
11 Jehovha anotarisira kuti tirambe tichinyengeterera zvinhu zvinokosha kwatiri. (1 VaT. 5:17) Kubva pane zvakataurwa naJesu zvimwe zvikumbiro zvedu zvingasapindurwa ipapo ipapo. (Ruka 11:9) Saka usakanda mapfumo pasi! Nyengetera nemwoyo wese uye ramba uchidaro. (Ruka 18:1-7) Patinoramba tichinyengeterera chimwe chinhu chinokosha kwatiri, tinoratidza Jehovha kuti tiri kunyatsoda chinhu ichocho. Tinoratidzawo kuti tine kutenda kuti anokwanisa kutibatsira.
NEI TINGAFANIRA KUCHINJA ZVIMWE ZVINHU ZVATINONYENGETERERA?
12. (a) Ndeupi mubvunzo watinofanira kuzvibvunza nezvezvikumbiro zvedu, uye nei tichifanira kudaro? (b) Tingaitei kuti tive nechokwadi chekuti minyengetero yedu inoratidza kuti tinoremekedza Jehovha? (Ona bhokisi rakanzi “Zvandinokumbira Zvinoratidza Kuti Ndinoremekedza Jehovha Here?”)
12 Kana tikasawana zvatinenge tanyengeterera, tinogona kuzvibvunza mibvunzo mitatu. Wekutanga unoti, ‘Ndiri kunyengeterera zvinhu zvakakodzera here?’ Kakawanda kacho tinofunga kuti tinoziva zvakanyatsotinakira. Asi zvinhu zvatinokumbira zvinogona kunge zvisina kunyatsotinakira. Kana tichinyengetera nezverimwe dambudziko, panogona kunge paine nzira iri nani yekurigadzirisa inopfuura yatiri kukumbira. Uye zvimwe zvinhu zvatinokumbira zvinogona kunge zvisiri maererano nekuda kwaJehovha. (1 Joh. 5:14) Funga nezvemuenzaniso wevabereki vambotaurwa. Vakakumbira Jehovha kuti aite kuti mwana wavo arambe ari muchokwadi. Chikumbiro ichocho chinoita sechakakodzera. Asi Jehovha haamanikidzi munhu kuti amushumire. Anoda kuti tese kusanganisira vana vedu, tisarudze kumunamata. (Dheut. 10:12, 13; 30:19, 20) Saka vabereki ava vanogona kukumbira Jehovha kuti avabatsire kuti vadzidzise mwana wavo zvinosvika pamwoyo kuitira kuti ade Jehovha uye ave shamwari yake.—Zvir. 22:6; VaEf. 6:4.
13. Maererano naVaHebheru 4:16, Jehovha anotibatsira papi? Tsanangura.
13 Mubvunzo wechipiri ndewekuti, ‘Ndiyo nguva yaJehovha here yekupindura munyengetero wangu?’ Tinogona kunzwa sekuti minyengetero yedu inofanira kupindurwa ipapo ipapo. Asi chokwadi ndechekuti Jehovha anoziva nguva yakanyatsokodzera yekutibatsira. (Verenga VaHebheru 4:16.) Kana tikasawana ipapo ipapo zvatinenge takumbira, tinogona kufunga kuti mhinduro yaJehovha ndeyekuti ‘Aiwa.’ Asi mhinduro inogona kunge iri yekuti ‘Kwete panguva ino.’ Funga nezvehama yechidiki iya yakanyengeterera kuti ipore. Kudai Jehovha akanga aita chishamiso chekuiporesa, Satani aigona kuti chiri kungoita kuti hama iyi irambe ichishumira Jehovha ndechekuti yakaporeswa. (Job. 1:9-11; 2:4) Jehovha akatosarudza nguva yekubvisa zvirwere zvese. (Isa. 33:24; Zvak. 21:3, 4) Kana nguva iyoyo isati yasvika, hatitarisiri kuti aite zvishamiso zvekutiporesa. Saka hama yacho inogona kukumbira Jehovha kuti aipe simba uye rugare rwepfungwa kuti ikwanise kutsungirira kurwara kwairi kuita, yoramba ichishumira Mwari yakatendeka.—Pis. 29:11.
14. Unodzidzei pane zvakaitika kuna Janice?
14 Funga zvakaitika kuna Janice, uya ainyengeterera kushumira paBheteri. Pakapfuura makore 5 asati anzwisisa kuti Jehovha akanga apindura sei munyengetero wake. Anoti: “Jehovha akashandisa nguva iyoyo kundidzidzisa zvinhu zvakawanda uye kuti ndiwedzere kuva muKristu akanaka. Ndaifanira kuwedzera kuvimba naye. Ndaifanira kuvandudza madzidziro andaiita ndiri ndega. Uye ndaifanira kudzidza kuti ndinogona kufara pasinei nekuti ndiri kushumira Jehovha ndiri kupi.” Janice nemurume wake vakazokokwa kuti vashumire mubasa redunhu. Achifunga zvakaitika, Janice anoti: “Jehovha akapindura minyengetero yangu, asi akazviita nenzira yandakanga ndisingatarisiri. Zvakatora nguva kuti ndione kunaka kwemhinduro yake, asi ndinotenda chaizvo kuti ndakaona rudo rwake uye mutsa wake.”
Kana uchinzwa sekuti hausati wawana mhinduro yako kubva kuna Jehovha, unogona kunyengeterera zvimwewo zvinhu (Ona ndima 15)f
15. Nei tichifanira kunyengeterera zvinhu zvakati wandei? (Onawo mifananidzo.)
15 Mubvunzo wechitatu ndewekuti, ‘Ndinofanira kunyengeterera chimwewo chinhu here?’ Kunyange zvazvo zvakanaka kunyatsotaura chatiri kunyengeterera, tinogona kunzwisisa kuti Jehovha anoda kuti tiitei kana tikanyengeterera zvinhu zvakati wandei. Funga nezvemuenzaniso wehanzvadzi iya isina kuroorwa yainyengeterera kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo. Inoda kupinda chikoro ichi kuitira kuti izokwanisa kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Saka painenge ichinyengeterera kuti izokokwa kuchikoro chacho, inogonawo kukumbira Jehovha kuti aibatsire kuona mimwe mikana yekuwedzera ushumiri hwayo. (Mab. 16:9, 10) Inogona kubva yaita zvinoenderana nemunyengetero wayo nekubvunza mutariri wedunhu kana paine ungano iri pedyo inodiwa mapiyona akawanda. Kana kuti inogona kunyorera kuhofisi yebazi ichida kunzwa kuti ndekupi kunodiwa vaparidzi veUmambo vakawanda.e
16. Tinogona kuva nechokwadi chei?
16 Sezvatadzidza, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achapindura minyengetero yedu nenzira yerudo uye yakarurama. (Pis. 4:3; Isa. 30:18) Dzimwe nguva tingasawana mhinduro yatinenge tichitarisira. Asi Jehovha acharamba achiteerera minyengetero yedu. Anotida chaizvo. Uye haazombotisiyi. (Pis. 9:10) Saka ramba ‘uchivimba naye nguva dzese,’ uchidurura mwoyo wako kwaari mumunyengetero.—Pis. 62:8.
RWIYO 43 Munyengetero Wekuonga
a Nyaya ino ichatsanangura kuti nei tichigona kuva nechivimbo chekuti Jehovha achagara achipindura minyengetero yedu nenzira yerudo uye yakarurama.
b Mamwe mazita akachinjwa.
c Ona nyaya inoti “Unovimba Kuti Jehovha Anogara Achiita Zvakarurama Here?” iri muNharireyomurindi yaFebruary 2022 ndima 3-6.
d Kuti unzwe zvakawanda nezvekuti Jehovha anotibatsira sei kutsungirira miedzo yakaoma, ona vhidhiyo iri pajw.org inoti Munyengetero Unobatsira Kutsungirira.
e Kana uchida kuziva zvaungaita kuti ushumire mundima yerimwe bazi, ona bhuku rinonzi Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, chitsauko 10, ndima 6-9.
f KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hanzvadzi mbiri dziri kunyengetera dzisati dzanyorera kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo. Pave paya, imwe hanzvadzi yacho inokokwa, asi imwe haikokwi. Pane kuti inyanye kuora mwoyo, hanzvadzi isina kukokwa inonyengetera kuna Jehovha ichikumbira kubatsirwa kuona mimwe mikana yekuwedzera ushumiri hwayo. Inobva yanyora tsamba kuhofisi yebazi ichitaura kuti inoda kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda.