RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/94 p. 2
  • Nguva Dzemisangano Yenyu Dzichachinja Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nguva Dzemisangano Yenyu Dzichachinja Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Kupinda Misangano—Mutoro Wakakomba
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Ratidza Kurangarira Vamwe—Rutivi 1
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Purogiramu Itsva Yomusangano Weungano
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Misangano Inotikurudzira “Kuva Nerudo Uye Kuita Mabasa Akanaka”
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 12/94 p. 2

Nguva Dzemisangano Yenyu Dzichachinja Here?

Muzvinoitika umo ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Horo yoUmambo imwe cheteyo dzakabvumirana kuchinjana kana kuti kuchinja nguva dzemisangano, ikoku kunofanira kuitwa pamavambo aJanuary. Kudisa kubatira pamwe negadziriro yakagadzwa kunoratidzira kuratidzirana rudo nokurangarirana. Kazhinji kazhinji chinjo munguva dzemisangano dzichava nokuda kwebetsero yako umene, kuchiita kuti kupinda misangano kuve kwakakunakira zvikuru.

Pano rumwe rutivi, chinjo iri kuitika gore rino ingasakodzerana norudungwe rwako rwomubato. Ingagona kuda gadziridzo mumuitiro wako wenguva dzose uko kungava kunoti dzongonyedzei. Kudisa kwomunhu mumwe nomumwe kubatira pamwe kunoratidzira kuonga gadziriro yose, uko kunoshanda nokuda kwebetsero yomunhu ari wose anobatanidzwa.

Chokwadika, kuchinjana kunotevera kwenguva dzemisangano kungava kwaunoda zvikuru. Munguva ino, unokurudzirwa kuita gadziridzo dzomunhu oga dziri madikanwa kuitira kuti upinde misangano yose yevhiki nevhiki maererano norudungwe rwasarudzwa neungano. Vavarira kuchengeta murangariro wowezvamapisarema Dhavhidhi, uyo akazivisa, kuti: “Ndakafara panguva yavakati kwandiri: Hendei kumba kwaJehovha.”—Pis. 122:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe