Kushandira Pamwe Kunoita Mitezo Yemhuri Kuti Iite Nomazvo—Mukufunda Bhaibheri
1 Chokwadi chinowedzera zvinoreva upenyu hwemhuri chaizvoizvo nechinangwa chahwo, asi kubudirira pakushumira Jehovha hakungoerekani kwauya. Zvinoda nguva nekutamburira kuti tivake mhuri yakasimba mumudzimu. Panodiwa kwazvo kuti mitezo yemhuri ishande pamwe chete mukuedza uku. Nyaya ino yokutanga munyaya nhatu dzakatevedzana ichasimbisa kuti mhuri dzinogona sei kushandira pamwe kuti dzive netsika dzakanaka dzokufunda.
2 Nokurava Bhaibheri Mazuva Ose: Zvirevo 24:5 inotaura kuti “Munhu wakachenjera une simba.” Zivo inowanika nokufunda Shoko raMwari nguva dzose inopa munhu simba romukati rinodiwa kudzivisa kudenhwa kwekuva kwake munhu womudzimu naSatani. (Pis. 1:1, 2) Munorava Bhaibheri pamwe chete semhuri mazuva ose here? Purogiramu yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari inoronga “Purogiramu Yokurava Bhaibheri Yokuwedzera” yevhiki riri rose yegore. Kuitevedzera kunoda nguva shomanana semaminiti gumi enguva yemhuri zuva roga roga. Sarudzai nguva yakakodzera, yakadai sepakudya kwemangwanani, pashure pezvekudya zvemanheru, kana kuti musati manorara, kuti murave Bhaibheri nokuita rugwaro rwezuva racho kubva muna Kunzvera Magwaro. Itai kuti izvi zvive muitiro wemazuva ose wemhuri yenyu.
3 Nokufunda Pamwe Chete Vhiki Yoga Yoga: Fundo yeBhaibheri yemhuri inofanira kuva chinhu chinokoshesesa chevhiki chemhuri. Mutezo woga woga unofanira kuitsigira nokutsinhira nemwoyo wose mufundo yacho. Musoro wemhuri uchada kuona zvinodiwa nemhuri pakusarudza zvichadzidzwa uye zuva racho, nguva, uye urefu hwefundo yacho. Itai fundo yemhuri chinhu chokutanga papurogiramu yevhiki. Musabvumire zvinhu zvisinganyanyokosha kuvhiringidza.—VaF. 1:10, 11.
4 Vamwe baba vaiwanzoridzirwa nhare dzebasa pamba pavo vaivhomora tambo dzerunhare panguva yefundo yemhuri. Vanhu vebasa pavaiuya pamba, vaikumbirwa kukumbanira fundo yacho kana kuti kumira kusvikira yapedzwa. Baba vacho vakanga vakatsunga kuti pasave nechinhu chaizodzongonyedza fundo yemhuri. Izvi zvakabatsira vana vake kwazvo, uye kanariri bhizimisi ravo, rakabudirira.
5 Zvinofadza sei kuona mitezo yemhuri ichishandira pamwe muzvinhu zvomudzimu! Kuvimbika mukuvavarira kwedu kuita nomazvo mufundo yeBhaibheri yemhuri kuchaunza chikomborero chaJehovha.—Pis. 1:3.