Ganhuro 27
Kutendeseka—Chaizvoizvo Muitiro Wakanakisisa Here?
WATI wamboedzwa kureva nhema here? Donald akaudza amai vake kuti iye akanga achenesa kamuri rake apo, muuchokwadi, akanga akandira chinhu chiri chose pasi pouvato. Richard akayedza kutamburira kusina maturo chose chose pakunyengedza vabereki vake. Iye akavaudza kuti akawana mamakisi okukundikana, kwete nokuti iye haana kufunda, asi nemhaka yokuti iye ‘aisawirirana nomudzidzisi wake.’
Vabereki navamwe vakura vanowanzoona seri kwokungwarira pakutaura kwakadaro kusina kutsarukana. Asi ikoku hakuzati kuchidzivisa pwere zhinji pakunenge kuedza kureva nhema, kumonyanisa zvokwadi, kana kuti kunyengedza chaikoiko pakunoratidzika kuva kune chimuko. Kutanga, vabereki havazati vachigaroita chinjo nomutoo wokunyarara kunjodzi. Uye paunenge wanonoka kusvika namaawa maviri gare gare anopfuura awaifungidzirwa kusvika nawo, kungaratidzika kuva kunoedza kutaura kuti pamugwagwa panga pane tsaona huru, panzvimbo pokuudza vabereki vako zvokwadi inokangaidza—kuti iwe wangokanganwa bedzi kuchengeta nguva.
Chikoro chingaparira chimwe chinetso chokutendeseka. Vadzidzi vanowanzonzwa vachiremedzwa nebasa rinoitirwa kumba. Kazhinji kazhinji makwikwi outsinye anovapo. Chokwadika, muUnited States, vanzveri vanoratidzira kuti inopfuura hafu yavadzidzi vose inonyengera kana kuti yakanyengedza. Asi kunyange nhema dzingaratidzika kuva dzinoyevedza, uye kunyengedza kuri nzira iri nyore yokubuda nayo, ko kusava akatendeseka kunobetsera zvomenemene here?
Kureva Nhema—Chikonzero Nei Kusati Kuchibetsera
Kureva nhema kuti unzvenge zvirango kungaratidzika kuva nechimuko panguvayo. Asi Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Iye unoreva nhema haazopukunyuki.” (Zvirevo 19:5) Bviro huru ndeyokuti kureva nhema kuchafumurwa uye chirango chichiitwa zvisinei hazvo. Ipapo vabereki vako vachashatirirwa kusati kuri kudarika kwako bedzi kwapakuvamba asiwo nemhaka yokuvarevera nhema kwako!
Zvakadiniko nokukopera muchikoro? Anodaro mutarisiri wamapurogiramu edare rapakoreji: “Mudzidzi upi noupi anoita chiito chokusatendeseka muzvidzidzo achapinda mungozi yakakomba yokukuvadza mabanza omunguva yemberi edzidzo nebasa.”
Chokwadi, vazhinji vanoratidzika kuva vanokuita vasingarangwi. Kukopera kungakuita kuti uwane mamakisi okupasa, asi ndeipi iri miuyo yenguva ndefu? Pasina panikiro iwe unobvuma kuti kwaizova ufuza kukopera muzvidzidzo zvako mukirasi rine chokuita nokushambira. Pashure pazvose, ndiani zvake angada kugara panyika apo munhu ari wose ari kufara mumvura! Uye kana ukasundumidzirwa mudziva, miitiro yako yokukopera ingakuparira kunyura!
Asi zvakadini nokukopera pametsi napakurava? Chokwadi, miuyo yacho ingava seisingakatyamadze zvikuru—pakutanga. Zvisinei, kana iwe usati wakudziridza unyanzvi hwehwaro hwezvifundo ungazviwana iwe umene “uchinyura” munyika yamabasa! Uye dhipuroma rinowanwa kupfurikidza nokukopera harizati richizova muchengeti mukuru woupenyu. Bhaibheri rinoti: “Kuwanwa kwepfuma kupfurikidza norurimi runoreva nhema imhute inodzingirwa kure.” (Zvirevo 21:6) Zvimuko zvipi nezvipi zvingaunzwa nokureva nhema ndezvenguva pfupi semhute inopwititika. Kwaizova kuri nani zvikuru sei kuti uvambe kushanda nokudisisa ndokufunda, panzvimbo pokureva nhema uye kukopera muzvidzidzo zvako muchikoro! “Rongedzero dzomunhu akachenjera zvamazvirokwazvo dzinoita chimuko,” inodaro Zvirevo 21:5.
Kureva Nhema Uye Hana Yako
Mumwe musikana muduku anonzi Michelle akapomera mukurevera nhema hanzvadzi yake nezvokuputsa mudziyo unoisvodikanwa kunyange zvazvo, gare gare akanzwa achigombedzerwa kureurura nhema dzake kuvabereki vake. Michelle anotsanangura, kuti: “Nguva zhinjisa ndainzwa ndichinetseka chaizvo. Vabereki vangu vakanga vachivimba neni, uye ini ndakavaodza mwoyo.” Ikoku kunosanoenzanisira maisire akaita Mwari mukati mavanhu mano ehana. (VaRoma 2:14, 15) Hana yaMichelle yakamutambudza nokunzwa kwokuva nemhaka.
Chokwadi, munhu angasarudza hake kufuratira hana yake. Asi kana iye achijaidza zvikuru kureva nhema, iye anova asingatapuriki zvikuru kune chakaipa—‘akaiswa chiratidzo muhana yake senedare rinopisa.’ (1 Timotio 4:2) Unoda zvomenemene kuva nehana yakatsva here?
Murangariro waMwari Pakureva Nhema
“Rurimi rwenhema” rwakanga rwuri uye rwuri chimwe chezvinhu izvo “Jehovha anovenga.” (Zvirevo 6:16, 17) Pashure pazvose, ndiye Satani Dhiabhorosi iye amene uyo ari “baba venhema.” (Johane 8:44) Uye Bhaibheri haripi mutsaukano pakati penhema nedzinonzi nhemawo zvadzo. “Hakuna nhema dzinobva muzvokwadi.”—1 Johane 2:21.
Nokudaro kutendeseka kunofanira kuva muitiro nokuda kwomunhu upi noupi anoda kuva shamwari yaMwari. Pisarema rechi 15 rinobvunza, kuti: “Haiwa Jehovha, ndiani achava muenzi mutende renyu? Ndiani uchagara mugomo renyu dzvene?” (Ndima 1) Ngatirangarirei mhinduro inopiwa mundima ina dzinotevera:
“Iye uyo anofamba asine mhaka uye anoita kururama neanotaura zvokwadi mumwoyo make.” (Ndima 2) Ikoku kunonzwika somubi womuchitoro here kana kuti munyengedzi? Ndimumwe munhu anorevera nhema vabereki vake here kana kuti anoedzesera kuva chimwe chinhu chaasati ari? Kana! Naizvozvo kana uchida kuva shamwari yaMwari, unodikanirwa kuva akatendeseka kwete bedzi muzviito zvako asiwo mumwoyo mako.
“Iye asina kuchera norurimi rwake. Iye asina kuitira shamwari yake zvakaipa, uye iye asina kuzvidza shamwari yake yapedyo.” (Ndima 3) Wati wambozvibvumidza iwe umene kuenda pamwe chete neboka repwere dzakanga dzichiita kutaura kusina tsitsi, kunorwadza pamusoro pomumwe munhu here? Kudziridza simba rokutsunga kuramba kutora rutivi mukutaura kwakadaro!
“Munhu upi noupi akashata mumeso ake anorambwa chaizvoizvo, asi iye anokudza avo vanotya Jehovha. Iye akapikira zvakashata nokuda kwake amene, asi haashanduki.” (Ndima 4) Ramba seshamwari pwere dzipi nedzipi dzinoreva nhema, dzinonyengedza, kana kuti dzinozvikudza pamusoro pamabasa outere; idzo dzichakukarira kuita zvinhu zvimwe chetezvo. Sokucherechedza kwakaita imwe pwere inonzi Bobby, kuti: “Shamwari yaunoreva nhema pamwe chete nayo ichakupinza munhamo. Iyo haizati iri shamwari yaunogona kuvimba nayo.” Wana shamwari dzinoremekedza mipimo yokutendeseka.—Enzanisa naPisarema 26:4.
Wacherekedza here kuti Jehovha anoremekedza, kana kuti ano“kudza,” avo vanochengeta shoko ravo? Zvimwe iwe wakavimbisa kubetsera pamabasa apamba Chitanhatu chino, asi zvino wakakokwa kumutambo wenhabvu nokuda kwamasikati iwawo. Ucharerutsa shoko rako here ndokuenda neshamwari dzako, uchisiya vabereki vako vachiita mabasawo, kana kuti uchachengeta shoko rako here?
“Iye haana kupa mari yake nokuda kwemhindu, uye iye haana kutora fufuro pamusoro pomunhu asine mhaka. Iye unoita zvinhu izvozvi haazotongozununguswi.” (Ndima 5) Hakuzati kuri kwechokwadi here kuti makaro chisakiso chikurusa chokukopera uye kusatendeseka? Vadzidzi vanokopera pabvunzo vane makaro nokuda kwamamakisi avasina kufundira. Vanhu vanotora fufuro vanokoshesa mari kupinda ruramisiro.
Chokwadi, vamwe vanonongedzera kuvatungamiriri vezvamatongerwe enyika uye vebhizimisi vanomonyanisa mirau yokutendeseka kuti vawane zvavanoda. Asika rubudiriro rwavanhu vakadaro rwakasimba zvakadini? Pisarema 37:2 rinopindura, kuti: “Ivo vachakurumidza kusvava souswa, uye ivo vachaoma sebumhudza rakasvibira.” Kana ivo vasingabatwi ndokunyadziswa navamwe, pakupedzisira vachanangana norutongeso rwaJehovha Mwari. Zvisinei, shamwari dzaMwari “hadzizotongozununguswi.” Nguva yadzo yemberi isingagumi inosimbisirwa.
Kukudziridza “Hana Yakatendeseka”
Hapana here chikonzero chakasimba, ipapoka, chokudzivisa rudzi rupi norupi rwokureva nhema? Muapostora Pauro akataura nezvake iye amene neshamwari dzake, kuti: “Tinovimba kuti tine hana yakatendeseka.” (VaHebheru 13:18) Ko hana yako nenzira imwe cheteyo inotapurika neisiri zvokwadi here? Kana isati, irovedze kupfurikidza nokufunda Bhaibheri namabhuku akavakirwa paBhaibheri akadai seNharireyomurindi naMukai!
Bobby muduku akaita kudaro, nemiuyo yakanaka. Iye akadzidza kusafukidzira zvinetso nedandemutande renhema. Hana yake inomusundira kusvika vabereki vake ndokukurukura nhau navo nomutoo wokutendeseka. Padzimwe nguva ikoko kwakaparira kuwana kwake chirango. Hunyanguvezvo, iye anobvuma kuti iye ‘anonzwa zviri nani mumwoyo’ nokuda kwokuve akatendeseka.
Kutaura zvokwadi hakuzati kuchigarova kuri nyore. Asi uyo anoita chisarudzo chokuzivisa zvokwadi achachengeta hana yakanaka, ukama hwakanaka neshamwari dzake chaidzoidzo, uye chakanakisisa zvikuru kupfuura zvose, iropafadzo yokuva “muenzi” mutendi raMwari! Kutendeseka, ipapoka, hakuzati kuchingova bedzi muitiro wakanakisisa, iwo muitiro wakarurama nokuda kwamaKristu ose.
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Ndeipi iri mimwe migariro umo kungaratidzika kuva kunoedza kureva nhema mairi?
◻ Neiko kusati kuchibetsera kureva nhema kana kuti kukopera? Unogona kuenzanisira ikoku necherekedzo kana kuti chinoitika chako umene here?
◻ Ko murevi wenhema anokuvadza sei hana yake?
◻ Rava Pisarema 15. Ko ndima dzinoshanda sei munhau yokutendeseka?
◻ Ko pwere inogona sei kukudziridza hana yakatendeseka?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 212]
‘Mudzidzi upi noupi anoita chiito chokusatendeseka muzvidzidzo achapinda mungozi yakakomba yokukuvadza mabanza omunguva yemberi edzidzo nebasa’
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 216]
Bhaibheri haripi mutsaukano pakati penhema nedzinonzi nhemawo zvadzo
[Mufananidzo uri papeji 214]
Vabereki kazhinji kazhinji vachaona seri kwenhamburiko dzakaneta dzokuvanza kusateerera