RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 14 pp. 115-120
  • Ndinogona Seiko Kuita Kuti Ushoma Hwangu Hubve?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Seiko Kuita Kuti Ushoma Hwangu Hubve?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuva Woga Asi Usati Une Ushoma
  • Ushoma Hwechinguvana
  • Ushoma Husingaperi
  • Kutanga Kutaura
  • Ndinoita Sei Kuti Ushoma Hwangu Hupere?
    Mukai!—1988
  • Usarega Ushoma Huchikuvadza Upenyu Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Nei Kune Vanhu Vakawanda Zvikuru Vakasurukirwa?
    Mukai!—2004
  • Nei Ndisina Shamwari?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 14 pp. 115-120

Ganhuro 14

Ndinogona Seiko Kuita Kuti Ushoma Hwangu Hubve?

Chitanhatu usiku. Mukomana agere hake ari oga mukamuri rake.

“Ini ndinovenga makupera evhiki!” iye anodanidzira kudaro. Asi mukamurimo hamuna munhu wokupindura. Anonhonga magazini ndokuona mufananidzo weboka ravechiduku riri kumahombekombe egungwa. Anokandira magazini kumadziro. Misodzi inoyerera. Anoruma muromo wake wapasi nameno, asika misodzi inoramba ichiyerera. Asingachakwanisizve kukudzora, anowira pahuvato hwake, achipfikura kuchema, “Neiko ndichigarosiiwa?”

KO IWE padzimwe nguva unonzwa nenzira iyoyo here—wasiiwa uri woga nenyika, uno ushoma, usina maturo, uye usina donzo? Kana zvakadaro, rega kupererwa nezano rose zvaro. Nokuti kunyange kunzwa ushoma kusingafadzi, ihwo hahuzati huri chirwere chinouraya. Kuchitaurwa nomutoo uri nyore, ushoma chiratidzo chinonyevera. Nzara inokunyevera kuti unoda zvokudya. Ushoma hunokunyevera kuti unoda ushamwaridzani, kuva pedyo, tsvamirano. Tinoda zvokudya kuti tishande zvakanaka. Nenzira yakafanana, tinoda ushamwaridzani kuti tinzwe zvakanaka.

Wati wamboona murwi wamarasha anobvira here? Apo iwe unobvisa rasha rimwe pamurwiwo, kubvira kwerasha rimwe irero kunodzima. Asi pashure pokunge wadzorera rasharo pamurwiwo, rinobvirazve! Tiri toga, isu vanhu nenzira yakafanana hati“bviri,” kana hatishandi zvakanaka, kwenguva refu. Kudikanwa kwoushamwaridzani kwakavakirwa mumusikirwo wedu.

Kuva Woga Asi Usati Une Ushoma

Munyori wenhau Henry David Thoreau akanyora, kuti: “Handina kutongowana shamwari ino ushamwari sokuva woga.” Unobvumira here? “Hungu,” anodaro Bill, wezera ramakore 20. “Ndinoda musikirwo. Padzimwe nguva ndinokwira kaigwa kangu ndokuenda kunyanza. Ndinogara ikoko kwamaawa ndiri ndoga hangu bedzi. Kunondipa nguva yokufungisisa pamusoro pezvandiri kuita noupenyu hwangu. Kunoshamisa zvomenemene.” Steven ane zera ramakore makumi maviri nerimwe anobvuma. “Ini ndinogara muchivako chine kamuri guru,” iye anodaro, “uye padzimwe nguva ndinoenda padenga rechivakocho kungondova bedzi ndoga. Ndinoita kufunga kwakati kuti ndokunyengetera. Kunozorodza.”

Hungu, kana dzikashandiswa zvakanaka, nhambo dzokuva woga dzinogona kutipa gutsikano huru. Jesu wakafarikanya nhambo dzakadaro: “Mumangwanani, apo kwakanga kuchine rima, [Jesu] akamuka ndokubuda kunze uye akaenda kunzvimbo iri yoga, uye ikoko iye akavamba kunyengetera.” (Marko 1:35) Yeuka, Jehovha haana kutaura kuti, ‘Hakuna kunaka kuti munhu ave ari oga kwechinguvana.’ Panzvimbo pakwo, Mwari akataura kuti kwakanga kusina kunaka kuti munhu “apfuurire kugara ari oga.” (Genesi 2:18-23) Ndidzo nhambo dzinorebeswa dzokuzviparadzanisa, ipapoka, dzingaparira ushoma. Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Munhu anozviparadzanisa amene anotsvaka kupanga kwake amene kwoudyire; unoramba uchenjeri hwose hunoshanda.”—Zvirevo 18:1.

Ushoma Hwechinguvana

Padzimwe nguva ushoma hunoiswa patiri kupfurikidza nemigariro yatisingagoni kudzora, zvakadai sokuva kure neshamwari dzako dzapedyo pedyo somuuyo wokutamira kunzvimbo itsva. Anoyeuka kudaro Steven, kuti: “Shure kumusha James neni taiva shamwari neshamwari, tiri pedyo zvikuru kupfuura mukoma nomunun’una. Pandakatama, ndakaziva hangu kuti ndaizomushaiwa.” Steven anotindika, sokunge kuti ari kuyeuka nhambo yokubva. “Apo ndaitofanira kukwira ndege, ndakavhiringidzika. Takambundirana, uye ndakaenda. Ndakanzwa kuti chimwe chinhu chinokosha chakanga chaenda.”

Steven akafambira mberi sei munzvimbo yake itsva? Anoti, “kwakanga kwakaoma. Shure kumusha shamwari dzangu dzaindida, asi kuno vamwe vavanhu vandaishanda navo vaindiita ndinzwe sokunge kuti ini ndakanga ndisina kunaka. Ndinoyeuka ndichitarira wachi ndichiverenga maawa mana kudzokera shure (ndiwo wakanga uri musiano wenguva) uye ndichifunga izvo James neni taizove tichiita iye zvino. Ndakanzwa ndiine ushoma.”

Apo zvinhu zvinenge zvisingafambi zvakanaka, tinowanzofungisisa pamusoro penguva dziri nani zvikuru dzataiva nadzo munguva yakapfuura. Zvisinei, Bhaibheri rinoti: “Usati: ‘Kwakaitika sei kuti mazuva ekare akabvumikisa kuva ari nani zvikuru kupinda aya?’” (Muparidzi 7:10) Neiko tichiva neiyi pangiro?

Kutanga, migariro inogona kuchinja nokuda kweiri nani zvikuru. Ndokusaka vanzveri vachiwanzotaura nezve“ushoma hwechinguvana.” Nokudaro Steven aigona kukurira ushoma hwake. Seiko? “Kutaura pamusoro pokunzwa kwangu nomumwe munhu anoitira hanya kwakabetsera. Haungagoni kurarama nguva yakapfuura. Ndakazvigombedzera ndimene kusangana navamwe vanhu, kuvafarira. Kwakashanda; ndakawana shamwari itsva.” Asi zvakadiniko naJames? ‘Ndakakanganisa. Kutama hakuna kupedza ushamwari hwedu. Rimwe zuva ndakamuridzira runhare. Takataura zvokutaura zviya kweawa namaminiti 15.’

Ushoma Husingaperi

Padzimwe nguva, kunyange zvazvo zvakadaro, kurwadza kukuru kwoushoma kunopfuurira, uye panoratidzika kuva pasina nzira yokubuda nayo. Ronny, mudzidzi wapachikoro chapamusoro, anoti: “Ini ndave ndichienda kuchikoro muno urwu ruwa kwamakore masere, asi munguva iyeyo yose handina kutongokwanisa kuita shamwari imwe bedzi! . . . Hapana munhu anoziva zvandinonzwa uye hapana munhu anoitira hanya. Padzimwe nguva ndinonzwa kuti handichagonizve kukutsungirira!”

SaRonny, vechiduku vazhinji vanowana chinowanzonzi ushoma husingaperi. Ihwohwo hwakakomba zvikuru kupfuura ushoma hwechinguvana. Chokwadi, vanodaro vanzveri, zvivirizvo “zvakasiana sedzihwa ravose nechibayo.” Asika sezvo chibayo chichigona kurapwa, ushoma husingaperi hunogona kukurirwawo. Nhano yokutanga ndeyokuedza kunzwisisa chisakiso chahwo. (Zvirevo 1:5) Uye Rhonda wezera ramakore 16 anoratidzira chisakiso chikurusa chinozivikanwa choushoma husingaperi, achiti: “Ndinofunga kuti chikonzero nei ndichinzwa ndine ushoma zvikuru kwazvo imhaka yokuti—eya haungagoni kuva neshamwari kana usati uchizvinzwa zvakanaka iwe umene. Uye ini ndinofunga kuti ini handizvidi ndimene zvikuru kwazvo.”—Lonely in America.

Ushoma hwaRhonda hunobva mukati mumifungo yake. Kuzvikoshesa kwake kwakaderera kunoumba mupiringidzo unomudzivisa kutanga kutaura ndokuita shamwari. Anodaro mumwe munzveri: “Mifungo yakadai sokuti ‘Ini handiyevedzi,’ ‘Ini handifadzwi,’ ‘Ini handina maturo,’ misoro inozivikanwa pakati pavanoushoma husingaperi.” Chinhu chikurusa kukukurira ushoma hwako nokudaro chingava mukuvaka kuzviremekedza kwako. (Ona Ganhuro 12.) Zvaunokudziridza izvo Bhaibheri rinoti “hunhu hutsva,” hunoratidzirwa netsitsi, kuzvininipisa kwendangariro, nounyoro, kuzviremekedza kwako kune chokwadi chokuwedzera!—VaKorose 3:9-12.

Kupfuurirazve, zvaunodzidza kuzvida iwe umene, vamwe vachakweverwa kumavara ako anofadza. Asi sezvo unogona kuona bedzi mavara azere eruva pashure pokunge iro rabumbunuka, naizvozvo vamwe vanogona bedzi kunzwisisa zvizere mavara ako kana iwe ukatanga kutaura kwavari.

Kutanga Kutaura

‘Pangiro yakaisvonakisisa nokuda kwomunhu ane ushoma,’ chinodaro chinyorwa chazvino uno chokuU.S. National Institute of Mental Health, ndechoku‘batanidzwa navamwe vanhu.’ Iyi pangiro inotsinhirana nezano reBhaibheri roku“pamhama” uye ku“nzwirana tsitsi,” kana kuti kuzvipinza munzvimbo yomumwe. (2 VaKorinte 6:11-13; 1 Petro 3:8) Kunoshanda. Kuitira hanya vamwe hakuzati kuchingobvisa bedzi ndangariro yako paushoma hwako humene asi kunokuchidzira vamwe kukufarira iwe.

Natalie wezera ramakore ane gumi namapfumbamwe nenzira iyeyo akasarudza kuti iye aizoita zvakawanda kupfuura kugara hake pasi ndokumirira vamwe vanhu kuti mhoro. ‘Iniwo ndinotofanira kuva noushamwari,’ iye anodaro. ‘Neimwe nzira vanhu vachafunga kuti ndinozvitutumadza.’ Naizvozvo tanga nenyemwerero. Mumwe munhu angadzorera nenyemwerero.

Tevere, tanga kurukurirano. Lillian, wezera ramakore 15, anobvuma, kuti: “Kuenda kuna vaenzi kwenguva yokutanga kwakanga kuchityisa zvomenemene. Ndakanga ndichitya kuti ivo vaisazondigamuchira.” Ko Lillian anotanga sei kurukurirano? Iye anoti: “Ndinobvunza mibvunzo yakapfava yakadai sokuti, ‘Unobva kupiko?’ ‘Unoziva nhingi nanhingi here?’ Isu tose tiri vaviri tingave tichiziva mumwe munhu, uye isati iri nguva refu tinenge tava kutotaura.” Zviito zvomutsa nomudzimu worupo nenzira yakafanana zvichakubetsera kuvaka ushamwari hunokosha.—Zvirevo 11:25.

Yeukawo kuti unogona kuva neshamwari isati ichizotongokuzvidza. Jesu Kristu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Ini handizi ndoga, nokuti Baba uneni.” (Johane 16:32) Jehovha anogona kuvawo shamwari yako yapedyosa zvikuru. Ziva hunhu hwake kupfurikidza nokurava Bhaibheri nokucherekedza chisiko chake. Simbaradza ushamwari hwako naye kupfurikidza nomunyengetero. Pakupedzisira, ushamwari naJehovha Mwari ndiwo mushonga wakanakisisa nokuda kwoushoma.

Kana uchiri kunzwa ushoma panhambo nenhambo, faranuka. Ndokwomuzvarirwo chaizvoizvo. Zvakadiniko, kunyange zvazvo zvakadaro, kana nyadzi hurusa dziri kukudzivisa kuita shamwari nokuva navamwe?

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Kuva woga chinhu chakashata hacho here? Pane betsero here dzokuva woga?

◻ Neiko ushoma hukurusa huri hwechinguvana? Wati wawana ikoku kuva kunoitika mune chinoitika chako umene here?

◻ Chii chinonzi ushoma hunopfuurira, uye unogona sei kuhudzivisa?

◻ Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzo‘kutanga kutaura’ navamwe? Chii chakashanda nokuda kwako?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 119]

‘Pangiro yakanakisisa nokuda kwomunhu ane ushoma,’ inodaro U.S. National Institute of Mental Health, ndeyokuva ‘anobatanidzwa navamwe vanhu’

[Mifananidzo iri papeji 116, 117]

Shamwari dzinogona kuramba dzichikurukurirana kunyange kumadaro marefu

[Mufananidzo uri papeji 119]

Nhambo dzokuva woga dzinogona kuva dzinofarikanyika

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe